Uncategorized

‘Imimba yashefu vekuVID’

16 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
‘Imimba yashefu vekuVID’

Kwayedza

Ashley Muchamiri
MURUME anova samusha wekuendeswa kudare redzimhosva neaimbova mudzimai wake achinzi ari kumutambudza akazochema-chema mudare achiti akasiyana nemukadzi uyu mushure mekunge apihwa pamuviri nechikomba chake chinoshanda kuVehicle Inspection Department (VID).

Tilda Jamari wekuKuwadzana, muHarare, akamhan’arira Blessing Mandeya kudare reHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza nekuramba achimufonera asi ivo vakarambana.

“Ndine chichemo chekuti murume uyu anondishungurudza nekundituka nekuramba achindifonera asi isu takarambana,” anodaro.

Anoti Mandeya anouya kubasa kwake achikonzeresa mhirizhonga.

“Ari kuuya kubasa kwangu achikonzeresa mhirizhonga izvo zviri kuita kuti ndinyare, kana mufaro pabasa handichina.”

Jamari anoti kana Mandeya achida kuona vana vake, anotaura nemukoma wake kuti apihwe mvumo.

“Ini murume uyu handichadi kumuona zvachose, kana achizoda kuona vana anotaura nasisi vangu kuti apihwe mvumo yekuvaona,” anodaro.

Achitaurawo divi rake, Mandeya anopokana nezviri kutaurwa naJamari.

“Nyaya iripo ndeyekuti mukadzi uyu ari kutya nekuti akapihwa nhumbu nemumwe mukuru wekuVID ndichigara naye takaroorana,” anodaro.

Anoti ndiye ari kutoshungurudzwa naJamari achirohwa uyezve akatombomusungisa nemapurisa akazokumbira ruregerero.

“Mukadzi uyu ndiye anotondishungurudza achindirova nekundituka. Ndakatombomusungisa ndikazomuregerera akumbira ruregerero,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Mukadzi uyu kubva patakanetsana, akabva pamba atora chitupa changu neprovisional yangu izvo zvandiri kuda kuti zvidzoswe sezvo zviri zvinhu zvakakosha uye zvandinoda kushandisa.”

Mutongi Nyasha Marufu akapa Jamari gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links