‘Indasitiri yemhanzi yosimukira’

17 Nov, 2022 - 10:11 0 Views
‘Indasitiri yemhanzi yosimukira’ Dedicated 'Kerrymore' Musasa

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI weSungura ari kusimukira, Dedicated ‘Kerrymore’ Musasa, anoti kudzoka kwakaita mashoo emagitare pamwe nekuderera kwechirwere cheCovid-19 kuri kuona kusimukira kweindasitiri yezvemimhanzi.

Achitaura ari kunyika yeSouth Africa uko anogara, Musasa anoti kuderera kwaita denda reCovid-19 nekubviswa kwematanho ekurwisa chirwere ichi, kwaona vaimbi vakasiyana vachidzokera kuhupenyu hwavo hwekare.

“Vaimbi takange tambosungwa mbiradzakondo zvaikonzerwa naiyo Covid-19 nekuti taive tisisaite mashoo sezvo haaitenderwa nekuda kwedenda iri. Asi iye zvino hupenyu hwedu hwave kuendeka nekuti tave kuita mashoo, tave kutsikisa mhanzi yedu tichisangana nevatsigiri vedu.

“Isu vaimbi tinotowana mari kuburikidza nekuita mashoo apo panouya vatsigiri votipawo mari, pasina izvozvo zvinhu zvainge zvakatotisunga,” anodaro.

Muimbi uyu gore radarika akaparura madambarefu matatu anoti Dariro Hamuzakatipa reSungura, Chibvindibvindi reZim-dancehall neChingwa Chekuhupenyu rechitendero.

Pari zvino Musasa ari mushishi kubika dambarefu rechina iro ari kushanda nenyanzvi dzemuno nedzekuSouth Africa.

Anoti vaimbi vanofanirwa kusununguka kushanda nevamwe uye nevanobika mhanzi vakasiyana vopota vachipihwa mazano kuti vagokwanisa kuparura mhanzi ine hudzamu.

“Muimbi kana uchida kubudirira uye uchida kusvika kure, shanda nevamwe zvakanaka uye bvuma kuterera paunopihwa mazano”.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>