India yotsigira varimi

09 Sep, 2021 - 11:09 0 Views
India yotsigira varimi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE yeIndia yotsigira sangano reUnited Nations World Food Programme (WFP) muZimbabwe neUS$1 miriyoni iyo ichabatsira varimi vakakanganisirwa goho ravo nekuda kwekusanduka kwemamiriro ekunze.

Rubatsiro urwu rwauya kuburikidza nechirongwa chehomwe yeIndia-UN Development Partnership Fund uye ichabatsira varimi vadiki vanosvika 52 000 vari kumatunhu anosanganisira Chiredzi neMangwe.

Sangano reWFP, richishanda nevamwe vatsgiri varo, richapa hunyanzvi maringe nenyaya dzekurima kuvarimi vadiki kuburikidza nechirongwa cheSmallholder Agricultural Market Support (SAMS). Chirongwa ichi chiri kutsigira varimi mukurima mbesa dzinotirira muzuva dzakadai semapfunde, mhunga, zviyo, nzungu nenyemba pakati pezvimwe uye chichabatsira kurwisa nyaya dzenzara.

VaAdel Abdellatif vanova director weUnited Nations Office for South-South Cooperation vanoti rutsigiro urwu rwuchaita kuti varimi vadiki vapunduke mukurima kwavo.

Varimi vadiki pamwe nemhuri dzavo vari muGlobal South vakanga vari kunetseka kuti vangakunda sei matambudziko akavakomberedza kuti vazadzikise zvinangwa zvavo zvegore ra2030 kusanganisira kusimudzirwa kwemaruwa nemhuri dzinotambura. Kuunzwa kweruzivo urwu rwekurima mbesa diki, kuchabatsira kuti varimi vawane goho ravo rakanaka zvisinei nenyaya dzekutambudzwa nemamiriro ekunze apo India yatogara iri pamberi nechirongwa ichi chekurwisa nzara kuvagari vekumaruwa kunyanya,” vanodaro.

Vanoti chinangwa chemabhindauko aya ndechekusimudzira kurimwa kwembeu diki nekuvandudzwa kwemisika.

“Chirongwa ichi chichasandura hupenyu hwevarimi vazhinji muZimbabwe. Chikamu che70 percent chevanhu muZimbabwe, vanopona nekurima saka chirongwa ichi chauya panguva yakanaka apo varimi vari kutambudzwa nenyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze dzakadai sefamashamu nekuwanda kwezuva pakati pezvimwe zvinhu zvinogona kukonzera nzara,” vanodaro.

Mumiriri weIndia muZimbabwe, Ambassador Vijay Khanduja, vanoti chirongwa ichi chichabatsira mukuzadzikiswa kwezvinangwa zvebudiriro zvegore ra2030.

“Mugore ra2017, Hurumende yeIndia yakabatana neUN South-South Cooperation yakavamba chirongwa chinoendeka mukurwisa kusanduka kwemamiriro ekunze nokudaro nekudyidzana kwakanaka neZimbabwe tiri kuita zvimwe chetezvo munyika muno,” vanodaro Ambassador.

Mai Francesca Erdelmann vanova country director kuWFP vanoti varimi vachafundiswa maringe nezvekukosha kwekurima mbeu diki dzinotirira munguva yenzara.

Share This:

Sponsored Links