‘Inyama yemunhu, Kwete yembudzi’… Ini ndiri muroyi: Tsotsi

17 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
‘Inyama yemunhu,  Kwete yembudzi’… Ini ndiri muroyi: Tsotsi Zivai Lusuious

Kwayedza

Daphne Machiri

VANHU vaive mudare reConcession Magistrate Court, kuMashonaland Central, vakakatyamadzwa zvikuru apo mumwe murume aitongwa nemhosva yekuba mbudzi akati nyama nedehwe zvakawanikwa zviri pasi pepiro mumba make zvaisava zvembudzi asi kuti inyama yemunhu yaakasandura sezvo ari muroyi.

Zivai Lusuious (32) — uyo anogara papurazi reSummerdale, kuMazowe — akataura mashoko aya apo akamiswa mudare iri achipomerwa mhosva yekuba mbudzi yaGivemore Chimusuva wekuMazowe kwakare nemusi wa28 Zvita gore rapera.

Mutongi Nyasha Machiriori akabata Lusuious nemhosva yekuba mbudzi ndokumutongera kugara mujeri kwemwedzi 22, asi mwedzi mishanu yakazosendekwa padivi paine chitsidzo chekuti haapare imwezve mhosva yerudzi urwu mukati memakore mashanu ari kutevera.

Mimwe mwedzi yaive yasara yakasendekwa zvakare padivi ndokunzi anofanira kuripira mumhan’ari mbudzi yake pamwechete nekufondoka pasina mubhadharo kwemaawa 350 padare reConcession Magistrate Court.

Muchuchisi Munyaradzi Nengomasha akaudza dare kuti nemusi wa28 Zvita 2019, Lusuious akaenda kumba kwaChimusuva ndokunoba mbudzi yake.

“Chimusuva akazoona kuti mbudzi dzake dzainge dzisisina kukwana, ndipo paakanyumwa kuti Lusuious ainge amubira sezvo ari iye akasvika pamba pake bedzi musi wakashaikwa mbudzi iyi.

“Akazoenda kumba kwaLusuious aine vamwe vanhu vemunharaunda. Vakatevedza tsoka idzo dzakabva dzananga pamba paLusuious.

“Vanhu vakatarisa mumba make maanorara ndokuwana muine nyama nedehwe rembudzi zvinyoro zviri pasi pepiro, zvichireva kuti mbudzi iyi akange atoivhiya,” anodaro muchuchisi Nengomasha.

Lusuious paakanzi ataure mudare, akabva atanga kurotomoka achizviti muroyi wemakoko. “Nyama yamakaona haisi yembudzi, ini ndiri muroyi. Ndinosandura nyama yemunhu kuiita yembudzi. Saka nyama yamunoti ndeyembudzi yamuri kuti ndakaba inyama yemunhu yandakasandura, haisi yembudzi,” anodaro Lusuious izvo zvakashamisa vanhu vaive mudare iri zvikuru.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey