Uncategorized

‘inyoka yen’anga’

03 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
‘inyoka yen’anga’

Kwayedza

Vakakandirwa zishato mumba …Vakanzi varipe mombe ne$70

Kingstone Mapupu

VARUME vaviri vanozviti in’anga dzinoita hutsikamutanda vakasungwa kwaMubaira, kuMhondoro, svondo rapera mushure mekunge vanokanda zishato mumba meimwe mhuri ndokunyepera vanhu ava kuti nyoka iyi ndeyavo zvikaita kuti vabhadharwe mombe, mari nemagumbeze semuripo “wekuchenura” kwavainge vaita musha.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonalanbd West, Inspector Clemence Mabgweazara, vanoti vakasungwa ava ndiProsper Chisvinu (43) wemubhuku raMakore, kwaMambo Makonde, kuMhangura naTanaka Tendaupenyu (27) wekwaSabhuku Madhuve, kuPote kuKasimhure, kwaMujinga, kuKaroi.

“Tine varume vaviri vanozviti in’anga avo vakasungwa nemapurisa edu eZRP kwaMubaira, kuMhondoro, vachinzi vakanokanda nyoka yerudzi rweshato mumba meimwe mhuri ndokuzovati vabvise mombe nemagumbeze maviri ne$70, izvo mhuri iyi yakabvisa nekutya. Varume ava vaiti kana vemhuri iyi vakarega kubhadhara zvavaida, nyoka iyi yaizodzoserwa muimba yavo yekurara umo mavaiti vainge vaibvisa,” vanodaro.

Nyaya iyi inonzi yakaitika mubhuku raMuguti, kwaShe Nherera, apo vanatsikamutanda ava vaifamba munzvimbo iyi vachiti vari kuchenura misha.

Insp Mabgweazara vanoti varume vaviri ava, avo vaimboshandira mubhuku raZiriro mudunhu iri, vakazoenda kwaSabhuku Muguti uko vakasvikogara kumba kwaZvidzayi Nhau (47), uyo anova mubatsiri wasabhuku.

“Vanhu vemumusha vanonzi vainotsikisirwa mutanda kumba kwaNhau nemusi wa14 Chikunguru uye varume ava vakataurira VaDavid Mahwanda (74) kuti kumba kwavo kwaiva nenyoka iyo yaida kubviswa inova nyaya yavakataura kuma4 masikati pakazara vanhu,” vanodaro.

Insp Mabgweazara vanoti nemusi wa15 Chikunguru, Chisvinu naTendaupenyu vakazodungamidzana neruzhinji naVaMahwanda ndokuenda navo kumba kwavo.

Vanatsikamutanda ava vanonzi vakasvikopinda mumba maVaMahwanda vari voga, ndokuzobuda vaine saga ravaiti raiva nenyoka yainzi ndeye muridzi wepamusha uyu.

“Nyoka yemhando yeshato iyi yaiva musaga uye yakaratidzwa vanhu vaivapo, kusanganisira VaMahwanda vachinzi ndeyavo. Vanatsikamutanda ava vanonzi vakazoti vanoda mombe nemagumbeze maviri ne$70 pamusoro izvo vakapihwa masikati emusi uyu,” vanodaro Insp Mabgweazara.

VaMahwanda vanonzi havana kugutsikana nezvainge zvaitwa nanatsikamutanda ava zvikaita kuti vazozivisa vana vavo avo vakazoenda kumusha uku ndokunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa eZRP epaMubaira.

“Vaviri ava vakazosungwa ndokuendeswa kukamba vaine saga ravo raiva nenyoka iyi, iyo vakasvikoburitsa. Pari zvino vakachengetedzwa nemapurisa vachimirira kupinda kumatare edzimhosva.”

Insp Mabgweazara vanoyambira veruzhinji kuti vasadyidzane nanatsikamutanda vachiti vanhu ava makoronyera aripo kubira vanhu mari nehumwe upfumi apo vanokandira vanhu zvinhu mudzimba dzavo vozonyepa kuti zvinenge zvichishandiswa mukuroya.

“Mukangoona vanatsikamutanda vasvika mumisha menyu, vasungisei uye matsotsi aya anodyidzana nemamwe masabhuku nehutungamiri hwakaita semadzishe nemadzimambo avo vanotanga vavavimbisa kuti vanozovapa mari nezvipfuyo zvavanotora muvanhu nechitsotsi.

“Madzishe nemasabhuku vanodyidzana nevanhu ava vose vane mhosva, vanosungwa nemapurisa voendeswa kumatare,” vanodaro.

Insp Mabgweazara vanoti shato yaive nevarume vekusungwa ava yakazotorwa nevebazi reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority.

Mutauriri webazi iri, VaTinashe Farawo, vanotsinhira kuti nyoka iyi yakatorwa ikanoiswa kumasango kunochengetwa mhuka.

“Imhosva kuwanikwa munhu achitamba nenyoka, zvikuru shato. Iyi inyoka inochengetedzwa nemutemo wenyika,” vanodaro.

Munguva pfupi yadarika, kwaSabhuku Chikengezha, kwakare kuMhondoro, kune murume akazviuraya nekunwa muchetura achinzi akange akandirwa nyoka mumba make nanatsikamutanda iyo yainzi ndeyake yekuroyesa.

Mutauriri wemapurisa munyika Chief Superitendent Paul Nyathi vanoti hutsotsi hwakadai hunogara huchiitirwa vanhu vakawanda nguva nenguva vachirasikirwa neupfumi hwavo semombe.

“Iyambiro yedu huru kumadzishe nemasabhuku vanodyidzana nanatsikamutanda ava, kuti vanosungwa. Mutemo wenyika yedu haubvumire vanatsikamutanda, mhan’arai kana vauya vachiti vanoda kuchenesa misha yenyu,” vanodaro.

Mukuru wemadzishe munyika, Mambo Fortune Charumbira, vanoti madzishe haafanire kudyidzana nanatsikamutanda.

“Hatidi madzishe nemadzimambo anodyidzana nanatsikamutanda nekuti vanhu ivava imbavha, makororo anobira vanhu zvipfuyo zvavo. Imi vanhu mhan’arirai madzishe edu nanatsikamutanda vacho kana vauya vachida kukutsotsai,” vanodaro.

Sekuru Friday Chisanyu, avo vanova mukuru wesangano remachiremba echivanhu reZimbabwe National Practitioners Association uyewo vari sachigaro weZimbabwe Medical Practioners Council (ZMPC), vanoti vanatsikamutanda ngavasungwe.

Kune vamwe vanhu vanotozivikanwa nekubata kana kuchera nyoka vachitengesera maporofita nen’anga dzemanyepo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey