Inzara wakarimaka iyi?

20 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

KUNYANGE zvazvo yave garoziva kuti mwaka iri kusanduka gore rimwe nerimwe, zvegore rino zvange zvisina kutarisirwa. Wese munhu ange akatarisira maguta, asi tarisiro yese iyi yapinda musango. Kana simbe dzave kuti dzakange dzakarima, asi zuva raita shanje.

Vanhu vaiziva kuti kune dzimwe nzvimbo dzingangotsva nokuti mvura inenge yaita shoma kana kuwandisa sezvayakamboita, asi havana kuve nefungidziro yokuti matunhu mazhinji munyika yese varimi vachaita sevachekwenya machisa kupisa zvirimwa zvapera kutsva.

Varimi vazhinji vari kuti ko Musiki matsamweiko? Vamwe vanobika madoro omukwerera vari kuti asi hamuna kunzwa mikumbiro yedu?

Vamwewo ndivo vari kuti  inga vakatenga mbeu, fetiraiza, mishonga nokurimawo nenguva, zvakazoipa papi, nokuti mvura yavave kudemba yakambowanda ikaita seichanyukudza zvirimwa?

Yaderera ndipo pavakawana mukana wokuisa fetiraiza nemimwe mishonga, vakaona zvirimwa zviye zvave kudzoka pakare. Vamwe vakarumbidza Hurumende nokukurumidza kumira-mira pakabuda makonye anodya zvirimwa anonzi “army worm.”

Vanhu pavange vave kutarisira Zhizha, mvura yakaenda, kuenda zvachose, ukuwo zuva rikatanga kupisa kunge tave muchirimo. Mamwe mazuva kunongoita chando kunge zvinonzi mwaka wechando watotanga.

Bazi rinoona nezvamamiriro okunze, reMeteorological Department rikabva raudza nyika masvondo apfuura kuti mwaka wokunaya watoguma. Zvakakatyamadza nokuti zvimwe zvirimwa zvange zvasvika padanho rairatidza kuti kuchave namaguta.

Mufananidzo wakatorwa muguta reHarare svondo rino womunda wechibage chaparara nezuva, chibage change chave padanho rokuti chinoburitsa goho guru, unotaura zvisingatauriki. Vanhu vanobva nzvimbo dzakasiyana-siyana munyika vanoti ndizvo zvimwe chete – minda mizhinji, ndozvairi. Vamwewo vari kuti zvirimwa zvavo zvakaoma kare kare.

Nzara haina kuti uri ani. Munhu wese achishanda anoda kuguta, saka kana zvadai, wave mukana wokubatana vanhu votsvaga mazano okuti vanhu vachararama sei kusvika mumwaka wegore rinouya.

Kana nyika yatakura mukwende wakadai, hazvichadawo kunongedzana minwe. Uyewo  kwese hakuna kutsva zvekare vamwe vachinazvo zvavakakohwa mwaka wapfuura. Matura iwayo ngachengetedzwe, vanhu vachibatsirana. Kunyange rumwe rubatsiro rukazouya, pachedu tinenge taita muonerapamwe.

Kuminama kwomwaka wegore rino handi zvitsva. Hazvidi gata. Mwari musiki wezvose anotaura nesu nenzira dzakasiyana-siyana. Saipapa, pane hurukuro huru.

Asiwo tariro yomwaka wakanaka mune ramangwana ngairambe iripo. Hapana achadzima zvakataurwa zvokuti  Zimbabwe ichave dura reAfrica (bread basket of Africa). Iyoyi nguva ngaishandiswewo kuona mikana yokusimudza zvirongwa zvamadiridziro, nokuti mvura iripo pasi apa, imwe inongoerera munzizi. Zvadaro, mwaka wega wega unenge wave wokurima, ukuwo vanhu vachirima mari.

Panze pokuora moyo, ngapavewo nemishandirapamwe yokuona kuti mashanga iwaya atemwa kuti zvipfuyo zviwane kudya. Haangapiswi mombe nembudzi dzisina kudya.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey