Inzwai vakabaiwa jekiseni reCovid

27 Mar, 2021 - 00:03 0 Views
Inzwai vakabaiwa  jekiseni reCovid VaEmmanuel Tigere

Kwayedza

Mary Chimenya

VANHU vane chitsama, avo vakabaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19, vari kukurudzira veruzhinji kuti vatambire chirongwa cheHurumende ichi vachiti chinobatsira zvikuru kurwisa denda ranetsa pasi rose iri.

Majekiseni aya ari kubaiwa pachena uye kune vanoda.

Mutungamiriri wenyika President Mnangagwa nemusi weChitatu svondo rino vakaparura chirongwa chepiri chekubaiwa kwevanhu majeseni aya kuVictoria Falls.

President Mnangagwa nemamwe makurukota eHurumende vakabva vabaiwawo majekiseni ekutanga ekudzivirira Covid-19 mushure mekuparurwa kwechirongwa ichi.

President Mnangagwa vanoratidza kadhi rinoratidza kuti vakabaiwa jekiseni rekudzivirira Coronavirus

Kwayedza inoita hurukuro nevanhu vemazera akasiyana avo vari kukurudzira vasati vabaiwa kuti vatambire chirongwa ichi.

VaEmmanuel Tigere (38) vekuMainway Meadows, muguta reHarare, vanogamuchira kubaiwa jekiseni rekudzivirira Covid-19 uye vari kunzwa kurerukirwa.

“Ini pekutanga ndaizengurira kubaiwa majekiseni aya asi nekufamba kwenguva uyewo nekuona vamwe vachibaiwa, ndakanzwa kurerukirwa. Ndinokurudzira vasati vabaiwa kuti vanobaiwa nokuti ndiyo nzira inotibatsira kuti tisatapurirane chirwere ichi, icho chauraya hama dzedu dzakawandisa. Ngatibatanei kurwisa chirwere ichi uye ngapasawane anosarira kumashure,” vanodaro.

Patrick Chiramu

Mashoko avo anotsinhirwa naVaPatrick Chiramu (57) vemuHarare zvakare vachiti zvakakosha kuti veruzhinji vatambire chirongwa chekubaiwa majekiseni ichi.

“Ini pandakatongonzwa kuti kwave nemushonga unodzivirira chirwere ichi ndakafara chaizvo nokuda kwokuti chakatikanganisira mararamiro edu atakange tajaira. Ndinokurudzira vamwe kuti vabaiwe majekiseni aya, kunyanya nguva ino yekuti munhu wose ave kukwanisa kufamba zvichitevera pakasunungurwa nyika ino kubva muLevel 4 Lockdown.

“Vanhu dai vaonawo kuti Hurumende pamwe chete nevezveutano nemutungamiriri wenyika vari kuita basa guru kwazvo,” vanodaro.

Faith Matsekeza (22) anotiwo, “Ndakasarudza kubaiwa jekiseni iri nokuda kuzvidzivirira kuchirwere ichi. Covid-19 iriko uye hatifanire kuita zvekutamba neutano hwedu kana hwevamwe. Pamwe chete senyika, tinokwanisa kukunda chirwere ichi tikabaiwa majekiseni aya tidzokere pamararamiro edu akare,” anodaro

Faith Matsekeza

Kuchiti Tapiwa Kapfunde (22) anoti anotambirawo chirongwa chekubaiwa majekiseni ekudzvirira Covid-19.

Tapiwa Kapfunde

“Sesu vana vechikoro vekumayunivhesiti, tinofanira kubatana kudzivirira chirwere ichi kuitirawo vadiki kwatiri vagotevedzera kunesu. Ndakabaiwa jekiseni iri kuti ndizvidzivirire sezvo zvikoro zvakavhurwa uye vadzidzi vanogona kutapurirana chirwere ichi nekusaziva. Ngatibatanei senyika tirwise Covid-19, tisadzokera kumashure zvekare uye hama dzedu dzisafa nekuda kwechirwere ichi,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links