‘Isai macctv muzvikoro’ … l ‘Makamera anoita kuti maticha ashande’

20 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
‘Isai macctv muzvikoro’ … l ‘Makamera anoita kuti maticha ashande’

Kwayedza

Tandayi Motsi naMuchaneta Chimuka —
VABEREKI pamwe nevana vechikoro vari kupembedza chirongwa chekuiswa kwemakamera emhando yeClosed Circuit Television (CCTV) mu- zvikoro kuitira kuti zvose zvinenge zvichiitika pakudzidziswa kwevana zvinge zvichionekwa nemukuru wechikoro.

Vanoti izvi zvinobatsira pakuti varairidzi vaite basa nemazvo.

Izvi zvinotevera danho riri kuda kutorwa nezvimwe zvikoro zvekuBulawayo rekuisa makamera mudzimba dzekudzidzira senzira yekuti vadzidzisi vange vachiita basa ravo zvakajeka.

Zvikoro zvakawanda zvekuBulawayo zvave kushandisa nzira yebiometric seumboo hwekuona varairidzi pavanouya kubasa nepavanopedza.

Pakushandisa nzira yebiometric iyi, zvigunwe zvevarairidzi zvinoongororwa nesikani (scan) apo vanotanga basa zvose nepavanopedza. Izvi zviri kuitirwa kuti varairidzi vasanyorerana kuti mumwe ari pabasa asi iye asipo apo vanotanga kushanda pamwe nepavanopedza basa.

Zvikoro zviri kushandisa biometric zvinosanganisira Founders High, Mandwande High neNkulumane High iyo inonzi yave kuda kuisa makamera eCCTV mumakirasi ekudzidzira nemumakamuri anoitirwa misangano nevarairidzi (staff rooms).

Zvisinei, varairidzi vakawanda vari kupokana nechirongwa ichi vachiti kuita kwakadai kumbunyikidzwa kwekodzero dzavo dzekuti vashande vakasununguka.

VaBren Hwaviria (42), vemubhuku raChikomwe, kwaChundu kuHurungwe vanoti hapana chaipa kuti makamera aiswe muzvikoro.

“Isu sevabereki, hationi kuipa kwazvo nekuti vamwe varairidzi vari kupedzera nguva zhinji yechikoro vari pamaWhatsApp nekuenda kumabhanga vachiita zvido zvavo pane kuti vange vachifundisa vana. Ndizvo zvimwe zviri kukonzera kudofora kwevana,” vanodaro.

VaStandwell Zabron (48), vekuHurungwe zvakare, vanoti makamera anobatsira pakuona kuti varairidzi vari kugona kufundisa here uye kufumura nyaya dzekumbunyikidzwa kwevana.

“Vamwe varairidzi vane katsika kekuenda kubasa vakadhakwa kana kutorovha kwemazuva vana vachiswera muchikoro vari voga. Zvakare, nyaya dzekumbunyikidzwa kwevana muzvikoro dziri kuwanda apo vana vanorohwa, saka kuiswa kwemakamera kunobatsira pakuzopa hufakazi panyaya dziri kuitika muzvikoro,” vanodaro.

Mai Gladys Butaumocho (67), vanoti makamera akakosha muzvikoro asi varairidzi vanofanira kuva neshungu dzekufundisa.

“Hongu, makamera akanaka muzvikoro nekuti anobatsira kuti paonekwe panenge paine mhosho dzinoitwa nevarairidzi pamwe nevana. Asika, shoko rangu guru ndinoti varairidzi ngavashande nesimba, vaine shungu dzekuti vana vapase nekuti ndizvo zvatiri kubhadharira fizi,” vanodaro.

Nekune rimwe divi, Mai Lydia Mutepuka (54) vanoti makamera haasi iwo anoita kuti vana vadzidze, asi kuti zvinoda kushanda nesimba.

“Kana munhu akaisirwa kamera

zvinoreva kuti patoonekwa kutadza kwake. Saka zvakakosha kuti varairidzi vose vane vana vari kudofora vaongororwe nevakuru vanoona nezvedzidzo mashandiro avo nekuti kana munhu akaisirwa makamera anonyepera kushanda nesimba,” vanodaro.

Paidamoyo Ngoni (17) – uyo ari kuita Form 4 paMurembe High School, kwaMusana – anoti anotsigira chirongwa chekuti mumakirasi avanofundira muiswe makamera.

“Makamera ngaaiswe muzvikoro nekuti dzimwe nguva murairidzi anogona kuda kupedza nguva achinetsana nevana vechikoro nezvinhu zvisina musoro sekuti anogona kuti, ‘Haa, iwe haupase uye ukapedza Form 4 imhanza nekuti unogona kunge watotizira.’

“Apa nguva inenge chipera mudzidzisi achitaura zvisina musoro saka ndinotsigira chirongwa chekuti makamera aiswe matinodzidzira,” ano- daro.

Mashoko ake anotsigirwa naMichel Mudereri ari kuita Form 4 pachikoro chimwe chete ichi achiti: “Kana varairidzi vachiita basa ravo nemazvo, vanotyei kuti zvionekwe nemukuru wechikoro kuburikidza nemakamera? Makamera ngaaiswe muzvikoro nekuti vamwe varairidzi vari kuswera vachitamba zvavo nevana vechikoro vasingaite basa ravo.”

Nashley Mhaka (18) – uyo ari kuita Form 3 paHerentals Group of Colleges, muHarare – anoti zvakakosha kuti muzvikoro munge muine makamera achiti zvinobatsira mukusimudzira kupasa kwevana.

“Kana makamera ari muzvikoro, munhu wose anenge achiziva kuti zvose zvaanenge achiita zvinenge zvichitariswa, kureva kuti murairidzi nevana vechikoro vachashanda nesimba. Maticha anobva aitawo shungu dzekudzidzisa. Pamusoro pazvo, nhau dzekurohwa kwevana, idzo dzinowanzovharwa dzinenge dzava kubuda pachena,” anodaro.

Johannes Mahachi (16) ari kuita Form 3 pachikoro chimwe chete ichi anoti kana vana vechikoro vakaziva kuti vanenge vachionekwa nemakamera muzvikoro, havazokoperi vamwe.

Asi vamwe varairidzi vanoti havazi kufara nenhau yekuiswa kwemakamera muzvikoro vachiti uku kutyorwa kwekodzero dzavo.

“Ko, vanodirei kutiomesera upenyu hwedu? Hatisi vashandi vemumabhengi isu. Tine humwe upenyu hwedu hwakavanzika uhwo hunofanira kuchengetedzwa uye tinofanira kunge takapombonoka apo tinenge tiri pabasa,” anodaro mumwe murairidzi wepane chimwe chikoro chiri muHarare.

Mashoko ake anotsinhirwa nemumwe murairidzi wekuChitungwiza uyo anoti: “Tave kuita senge vanhu vari mujeri. Hazvifadze kuti uzive kuti uri kuonekwa nevakuru vako kana kuti vari kuterera zvauri kuita. Zvii zvinhu zvakashata zvatiri kuita zvingakonzera kuti tiisirwe makamera?”

Munyori mukuru kubazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Sylvia Utete-Masango, vanoti vanotsigira chirongwa chekuiswa kwemakamera muzvikoro vachiti zvine zvakawanda zvazvakanakira.

“Tiri munguva yeruzivo rwechizvino-zvino uye hatizi kuti tinosvika kupi. Vanhu vanoramba vachipikisa shanduko itsva. Zvisinei, tinofanira kufambirana nenguva.

“Kune vamwe vakuru vezvikoro chaivo vari kuramba maplan book chaiwo vachiti havadi kuona mabhuku akataipiwa, vanoda akanyorwa nerunyoro rwebhiro. Ndiko kupokana neshanduko,” vanodaro Dr Utete-Masango.

Vanoti zvakakosha kuti makamera aiswe muzvi- koro.

“Zvikoro hazvisi kungoisa makamera anodhura nechinangwa chekuti vanoda kuona mashandiro ematicha. Kana maticha achipedza nguva zhinji vari paWhatsApp, pane kodzero yekuti makamera ange ari muzvikoro nekuti tinenge tiri kuzvibira pachedu sevanhu vemuZimbabwe,” vanodaro.

Kune dzimwe nyika sekuEurope, makamera anoiswa muzvikoro nekuda kwezvikonzero zvakasiyana zvinosanganisira nyaya dzekurwisana kwevana, kusvereredzana, kubirana, kuparadzwa kwemidziyo uye kumbunyikidzwa kwevana nenzira dzepabonde ne zvimwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey