Itai hutsanana: Moyo

20 Mar, 2020 - 00:03 0 Views
Itai hutsanana: Moyo Dr Moyo

Kwayedza

Fiona Ruzha

GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Obadiah Moyo, vari kukurudzira veruzhinji kuti vaite hutsanana pose pavari – pamiviri yavo nemunharaunda dzavanogara – senzira yekurwisa kupararira kwecoronavirus kana kuti Covid-19.

Dr Moyo vakataura mashoko aya zvichitevera kuwedzera kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi kunyika dzepasi rose, kusanganisira kuSouth Africa nedzimwe.

Sezviri kungoitika kudzimwe nyika dzava nechirwere ichi, huwandu hwevanhu vari kubatwa vainacho kuSouth Africa huri kukwira.

Dr Moyo vanoti zvizvarwa zvemuZimbabwe zvinofanirwa kukoshesa nyaya dzehutsanana nguva dzose.

“Zvidiki zveutano zvinogona kunge zvichiita kunge zvisina basa asi zvakakosha. Zvakakosha kuti titange kuita zvinhu tichiti chavemo muZimbabwe kunyangwe chisimo.

“Kugeza mawoko nesipo nemvura kunouraya utachiona asi ndokunge kana zvichigara zvichiitwa nguva dzose.

“Munhu anofanirwa kugeza mawoko kana achipepa varwere, apedza kushandisa chimbuzi, asati atanga kudya, kana mawoko aine tsvina uye kana ambobata mhuka kana tsvina yemhuka.

“Ndinokurudzirawo vanhu kuti vashandure nzira dzekumhoresana nadzo,” vanodaro Dr Moyo.

Pasi rose, vanhu vanodarika 180 000 kusvika pari zvino vabatwa neCovid-19 uye vanopfuura 7 500 ndokufa.

Senzira yekudzivirira chirwere ichi – icho kusvika pari zvino chisati chaonekwa munyika muno – Hurumende yambomisa magungano anosanganisira reZimbabwe International Trade Fair nemhemberero dzekuwana kweZimbabwe kuzvitonga kuzere.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey