‘Itai mabhindauko akasiyana’

09 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
‘Itai mabhindauko akasiyana’ Maidei Njirayambidza akabata dambarefu rake idzva

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUIMBI wechidzimai ari kusimukira mumusambo weSungura anoti zvakakosha kuti vaimbi vavandudze mabasa avo kuburikidza nekuita mamwe mabhindauko akasiyana kwete kungomirira kuita zveminhanzi chete.

Maidei Njirayambodza (31), uyo anoimba nechikwata cheThe Music Ambassador, anoti kunze kwezvemimhanzi anoitawo mabhindauko ekurima izvo zviri kuita kuti ave nepundutso muhupenyu hwake.

Njirayambodza anoti akatanga kupinda munyaya dzezvemimhanzi mugore ra2002 zvichitevera kufarira kwaaiita musambo weSungura uyo aigaroteera kubva kune vamwe vaimbi vane mukurumbira munyika muno vakadai saAlick Macheso.

“Handina kana kumbozviendera kuchikoro asi kuti chipo chakaumbika mandiri zvichibva muchido changu chekuteerera nekudzidza kubva kune vamwe vaimbi. Kunze kwekuimba, ndinozviitira mabasa emaoko apo tinorima zvirimwa zvakasiyana mumaGreen House saka zvinondirerukira kuti ndisazoita munhu anotambura zvikuru nekuti mari haisi kubva kurutivi rwumwe chete.

Ndinotokurudzira vamwe vaimbi kuti vasamire negumbo rimwe chete nekuti munyika muno kune vaimbi vazhinji nyaya dzekuimba hadzisati dzave kuunza mari yakawanda,” anodaro.

Njirayambodza achangobva mukubura dambarefu rake idzva rechishanu rinonzi Zvaunzwa Nedenga.

“Ini handina nzvimbo yandisingapinde kunyangwe mumabhawa tinenge tirimo tichitandadza vanhu uye hatina nyaya dzerusarura kana kumbunyikidzwa kwatinosangana nako munzvimbo dzemafaro nekuti vanhu vanokoshesa zvatienge tiri kuvapakurira. Dambarefu rangu idzva rine musoro unoti Zvaunzwa Nedenga uye rine nziyo nhanhatu dzinoti Sarura Wako, Vatyairi, Zvaunzwa Nedenga, Dhiri, Vashamarari neZimbabwe,” anodaro Njirayambodza.

Anoti mukambo Sarura Wako anenge achitsanangura nezvevamwe vanababa vane katsika kekumitisa vachisiya madzimai izvo zvinoita kuti vana vasare dzave nherera.

“Ndinorwadziwa zvikuru nenherera kana vana vanochengetwa nemubereki mumwe chete nekuda kwekuti amai vanenge vakamitiswa. Vana ava vanogona kushaya rudo, dzidzo, chikafu, zvekupfeka nezvimwe zvinodiwa muupenyu,” anodaro.

Murwumbo Vatyairi, mudzimai uyu anoti anenge  achitsiura pamwe nekuyambira vatyairi kuti vafambe zvakanaka mumigwagwa senzira yekuderedza tsaona.

“Muna Zvaunzwa neDenga ndaipakurira vateereri rumbo rwemafaro nekutenda Mwari pane zvese zvaanotiitira muupenyu hwedu. Kuchizoti Dhiri rwiyo rwemafaro rwekuti vanhu vanotsika jaivhi kunge vachatyoka makumbo apowo muna Vashamarari ndaitenda vashamarari nevatori venhau vese nekutsigira kwavanoita mabasa edu sevaimbi,” anodaro.

Mumakore adarika, muimbi uyu akabura mamwe madambarefu mana anoti Nditambireiwo (2002), Zvipo (2010), Madzimai (2012) uye single track inonzi Titanizeni iyo yaakaimba nerurimi rwekwake rweChewa zvichireva kuti Tibatsireiwo.

Njirayambodza anoti kushaikwa kwevatsigiri vakawanda vanoita kuti mazita avo azivikanwe zvakanyanya ndiko kunoita kuti bhizinesi rekuimba risasimukire munyika muno.

Anoti izvi zvinoita kuti vaimbi vane mukurumbira varambe vachibudirira apowo vachiri kusimukira kusina kure kwavanosvika munyaya dzemimhanzi.

Share This:

Sponsored Links