Uncategorized

‘Itai mabhindauko muzvikoro’

15 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
‘Itai mabhindauko muzvikoro’

Kwayedza

. . . zvikoro zvichiwana mari
. . . vana vodzidza pachena

NHENGO iri kukwikwidza musarudzo dzedare reParamende yakamirira bato reZANU-PF muHarare Central, Cde Misheck Mangwende, vanoti vana vanofanira kupinda chikoro pachena, mari dzavo dzechikoro dzichibva mumabhindauko akasiyana anoitwa muzvikoro.

Cde Mangwende vanoti pari zvino vari kuronga kuti zvikoro zvose zvemudunhu reHarare Central zviite mabhindauko anounza mari yekubhadharira vana fizi.

“Tiri kuti vamwe vana vari kutadza kuenda kuchikoro nekuti havana mari dzakakwana dzekubhadhara kuchikoro uye vamwe vari kugumira munzira nekushaya mari. Izvi tichazvivandudza kubudikidza nekuita mabhindauko ekuchengeta zvipfuyo zvinounza mari kuchikoro.

“Takatotanga rimwe bhindauko rekuchengeta hove pachikoro cheNettleton School. Pachikoro ichi takaisa mafish ponds maviri ekuchengetera hove. Pamafish pond aya, rimwe nerimwe rinenge richitakura hove 20 000 uye dzinokohwewa kwapera mwedzi mitanhatu,” vanodaro.

Cde Mangwende vanoenderera mberi: “Takaona kuti mari inotengeswa hove idzi inowanda kupfuura inowanikwa patemu yoga-yoga kubva kumafizi, tikaona zvakare kuti chikoro chikatengesa hove idzi kaviri pagore, chinowana mari yakawanda kudarika inobhadharirwa vana.

“Mari inokohwewa pahove idzi ndiyo inofanira kuzobhadhara mari dzechikoro dzevana, kuvandudza pachikoro nekupa maticha chimwe chidimbu chekuti vawane mari dzekushandisawo nekudya kunze kwedzavanotambira.”

Cde Mangwende vanoti chimwe chinangwa chavo chikuru ndechekuti zvikoro zvichengete hove kuti vanhu vawane kudya kune utano.

“Hove dzakakosha pakuvaka miviri yedu asi vanhu vazhinji havadzidyi nguva nenguva nekuda kwekuti ishoma uye hadzinyanyowanikwa muzvitoro zvizhinji. Zvikoro zvemudunhu randinomiririra zvikawana hove dzakawanda zvichaisa muzvitoro dzotengwa neveruzhinji, zvichizoita kuti pave neutano nekudya kwakakwana muvanhu.”

Cde Mangwende vanoti vari kutarisira zvakare kutanga zvirongwa zvekupfuya huku muzvikoro.

“Hove hadzisidzo dzoga dzinopa mari. Ndiri kutarisira kuti kana ndapedza kuisa mafish pond ehove muzvikoro gumi nezviviri muHarare Central, ndoisa zvakare huku dzechibhoyi kuti dzichengetwe dzichitengeswa, zvikoro zvichiwana mari. Ndiri kutarisira kuisa huku 1 000 pachikoro choga-choga. Huku idzi dzinozoitawo mazai dzichiberekana,” vanodaro.

“Madororo ehuku ndiwo achange achiitwa zvakare chikafu chehove, izvo zvinoderedza mari inoshandiswa kutenga chikafu chehove. Zvikoro zvose zviri muHarare Central zvinofanira kuwana zvose izvi pachena uye mwana wose anofanira kuenda kuchikoro.”

Cde Mangwende vanotizve vari kutarisira kupa veruzhinji mukana wekuti vawane dzimba dzekugara sezvo vakatotanga kunyoresa vanhu vanogara muHarare Central vari kuda dzimba. Pari zvino vanoti kune dzimwe 6 500 dziri kuda kuvakwa dzichapihwa vanhu kana dzapera vozobhadhara zvishoma nezvishoma uye hapana anotanga kubhadhara imba asati apihwa makii emba yake.

Dzimba idzi dzichange dziine makamuri mana.

Cde Mangwende vanotizve vane hurongwa hwekuchenesa mukati meguta reHarare kuburikidza nemibatanidzwa yevanotengesa, mahwindi uye vanoita zvekuchinja mari kuti vaite mabasa avo zviri pamutemo uye zvakarongeka.

Vanotiwo havakurudzire nyaya yemhirizhonga mudunhu reHarare Central sezvo zvichikanganisa magariro akanaka nebudiriro yenyika.

Share This:

Sponsored Links