Uncategorized

‘Itai mari kubva mumarara’

10 Aug, 2022 - 08:08 0 Views
‘Itai mari kubva mumarara’ marara pese-pese

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ZVAKAKOSHA kuti veruzhinji vadzidziswe pamusoro penzira dzakanaka dzekurasa marara pamwe nekuabika achigadziriswa zvinhu zvinoita kuti vakwanise kuwana raramo.

Kurudziro iyi yakaitwa pamusangano we11th Edition Annual Green Waste and Energy Expo uyo wakarongwa nesangano reZimbabwe Sunshine Group rakabatana neveZimbabwe Agriculture Society uye bazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda, mamiriro ekunze nekusimudzirwa kwenyaya dzezvekushanya muHarare svondo rapera.

Muhurukuro neKwayedza parutivi pemusangano uyu, VaRonny Mbaisa vanova executive director weZimbabwe Sunshine Group vanoti misangano yerudzi urwu yakakosha zvikuru mukunzvera nzira dzingaitwa nenyika mukuderedza huwandu hwemarara, kusvibiswa kwemhepo uye nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze.

“Musangano uyu uri kupindwa nevakabva kunyika dzemuSadc dzakadai seMalawi, South Africa, Eswatin, Lesotho, Zambia neMozambique. Gore rapera takaona vanhu vaibva kunyika dzakaita seEgypt saka tiri kuita nhaurwa nemapoka akasiyana, kusanganisira vemakambani anononga marara vachinogadzira mimwe midziyo inozoshandiswa nevanhu mudzimba.

“Tine nyanzvi dzinoona nezvemamiriro ekunze dziri pano dziri kufundisa veruzhinji maringe nezvingaitwe nenyika semukomberanwa mukuderedza dambudziko iri,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Dambudziko remarara iguru chaizvo, apo vanhu vari kungoarasira pese-pese. Ibasa revatsigiri vari pano kuti vabatsire mukufundisa veruzhinji kuti vasandure mararamiro avo mukuchengetedza marara vachiatengesa kuti vawane mari. Tinoda kuzivisa veruzhinji kuti mumarara mune mari nekuti kana akaunganidzwa anoendeswa kumakambani anoabika patsva achigadzira zvinhu zvakadai semabhasikoro, mabhaketi, madhishi, zvidhori nezvimwe.”

VaMbaisa vanotaura zvekare nezvekukosha kwekushandisa midziyo isingasvibisi nharaunda yakadai sesimba remagetsi rinobva muzuva kana gasi.

Share This:

Sponsored Links