Itai zvatakareva: Utete Masango

18 May, 2018 - 00:05 0 Views
Itai zvatakareva: Utete Masango Dr Utete Masango

Kwayedza

Abigail Mawonde
HURUMENDE svondo rapera yakasimbaradza mashoko ekuti chikamu chebvunzo chinobva mukuongorora zvimwe zvidzidzo zvinoitwa nevana veO- neA-Level (continuous assessment) icho chaifanirwa kutanga gore rino, chakambomiswa uye izvi zvinotevera mashoko anoti zvimwe zvikoro zviri kurambidza vadzidzi vakanyora mazamanishoni gore rapera vakafoira kuti vange vachinyora zvakare gore rino.

Gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vakange vazivisa danho iri kare pachikoro cheDunnolly Primary School, kwaSeke District, apo vaiparura zviri pamutemo chirongwa chekupihwa kwemabhuku ekuverenga eNew Curriculum kuzvikoro.

Muhurukuro nemunyori mukuru mubazi iri, Dr Sylvia Utete Masango, vanoti: “Takambomisa chirongwa checontinuous assessment kusvikira apo zvichazoziswa kuti zvofamba sei. Takataura mashoko aya kumapurovhinzi ose nguva yadarika.

“Zvisinei, kana vachida kuyeuchidzwa zvakare, bazi redu rinogona kuzvironga kuitira kuti nyaya iyi inge ichijekeswa,” vanodaro.

Dr Utete Masango vanoti zvikoro zvinofanira kutevedzera zvinenge zvataurwa nebazi ravo.

Vanoti vadzidzi vachanyora bvunzo gore rino mazamanishoni acho anenge asina chikamu checontinuous assessment saka hapana chikonzero chinoita kuti zvimwe zvikoro zvirambidze vakanyora bvunzo gore rapera vakafoira kuti vange vachinyora zvakare gore rino.

“Saka havafanire kutaura nyaya yecontinuous assessment. Zvinenge zviripo chete zvidzidzo zvemabasa emawoko izvo zvagara zvichiitwa sechikamu chebvunzo,” vanodaro Dr Utete Masango.

Mashoko avo anotevera kugunun’una kuri kuitwa nevamwe vabereki vane vana vakanyora bvunzo gore rapera avo vari kurambidzwa kunyora zvakare gore rino.

Pasi pechirongwa checontinuous assessment, vadzidzi veO- neA-Level vaitarisirwa kuti zvavanozobura mubvunzo zvinenge zvabva muongororo yezvidzidzo zvanoita pamwe nebvunzo yavanozonyora mukupera kwegore sezviri muNew Curriculum. Vana vanenge vafoira muzamanishoni, vaitarisirwa kuti vanozonyora zvakare kwapera makore maviri apo vamwe vainzi vanofanira kudzokera kuchikoro zvakare kana varamba vachifoira.

Share This:

Sponsored Links