Itai zvekudzidza, hunzenza bodo!

13 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

CHISHUWO chemubereki wose ndechekuti mwana wake adzidze kuitira kuti agozova neremangwana rakajeka sezvo fundo iri nhaka yeupenyu.

Vabereki vakawanda vanoshingairira kushanda siku nesikati vachiriritira mhuri dzavo zvinova zvinhu zvinokudzwa zvikuru.

Asi, nyaya inozorwadza ndeyekuti kune vamwe vana vasiri kukoshesa mukana wavanenge vawaniswa nevabereki vavo wekuti vadzidze nesimba sezvo vachipedzisira vave kuita misikanzwa.

Misikanzwa iyi iri kuitwa nevana vanodzidza kupuraimari, kusekondari, kumakoreji nemayunivhesiti.

Kune vamwe vari kutora zvinodhaka izvo zviri kukanganisa dzidzo. Kunozoita vamwe vari kupinda munyaya dzepabaonde vachisiya zvavanenge vaendera kuchikoro.

Semuenzaniso, nguva pfupi yadarika pane nyaya yevanasikana vanodzidza paChisipite Girls High, muHarare, iyo yakatsviriridza mushure mekunge patenderera vhidiyo apo vamwe vevana vepo vaizviti vanoita zvepabonde vasina dziviriro.

Chiitiko ichi chakatuma vakuru vechikoro ichi kuti vakumbire ruregero kune veruzhinji uye nekuvimbisa kuti vachatora matanho akakodzera. Chikoro ichi chinoti zvakaitwa nevana ava handi mucherechedzo wevana vepo vose, asi kuti vazhinji vacho vanoita zvinotarisirwa – kuita zvechikoro.

Asi maitiro akadai anokanganisa zita rechikoro pamwe nevana ava.

Kana vabereki vevana vanoita izvi vanonyarira kupi? Vana musadaro!

Kune imwe nyaya zvakare ichiri kunetsa, yevamwe vana vanodzidza paJohn Tallach High School, chikoro chebhodhingi chiri kuBulawayo, avo vanonzi vakatorana vakomana nevasikana ndokuenda kumba kwemukuru wechikoro ichi vakanorara vachiita bonde husiku hwose apo vaiita mabiko (party).

Mukuru wechikoro ichi anonzi ainge asipo pakaitika mashura aya.

Chokwadi nekunetsa kuri kuita kuwana mari ndipo powoona mumwe mwana ari kubvisirwa mari yebhodhingi achiita matakanana akadai?

Kumakoreji nemayunivhesiti kune nyaya dziri kuitikawo ikoko. Mavhidhiyo anozoonekwa ave kutenderera evadzidzi vanenge vachiita zvebonde. Zvinotonyadzisa! Vechidiki ndivo musimboti weremangwana renyika, zvino kana vave kurasa hunhu kudai zvorevei?

Naizvozvo, tinogamuchira nemawoko maviri mashoko akataurwa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa svondo rapera kuvadzidzi vekumakoreji nemayunivhesiti muguta reHarare apo vakati zvakakosha kuti vazvibate.

President Mnangagwa vanoti Hurumende iri kushushikana nekatsika kari kuitwa nevamwe vadzidzi kekushaya hunhu sezvo maitiro akadai achigona kukanganisa remangwana ravo.

“Ndinokukurudzirai kuti muzvinzvere muzive chakanaka nechakaipa, chokwadi nemanyepo musati matora matanho anogona kukanganisa upenyu neremangwana renyu. Dzidzo yamunowana inofanira kukubatsirai kuchengetedza hunhu hwedu senyika uye tsika nemagariro akanaka,” President Mnangagwa vakaudza vechidiki ava.

Aya mashoko makukutu ekuti mudzidzi wose pamwe nevamwe vechidiki vanofanira kudzikamisa pfungwa dzavo vachifunga nezveremangwana ravo.

Vechidiki musarase hunhu!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey