‘Ivhu ngarishandiswe kusimudzira Zim’

27 Mar, 2020 - 00:03 0 Views
‘Ivhu ngarishandiswe kusimudzira Zim’ VAKENIARD Matura nemudzimai wavo Alice Chivarange vari mumunda wavo wefodya iyo vave kutokohwa vachipisa uye vachiisa mumabhero. - Mufananidzo naMerilyn Kanyangu

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURIMI wechidiki wefodya kuChiweshe, kudunhu reMashonaland Central anoti anonzwa manyuku-nyuku nekurima chirimwa ichi – icho kare chairambidzwa vatema kurima nyika isati yawana kuzvitonga kuzere – sezvo ari kukwanisa kuraramisa mhuri yake.

VaKeniard Matura (40) vemumusha waSabhuku Kodzwa kwaMambo Negomo vanoti vanotenda Hurumende nechirongwa chekupa veruzhinji ivhu izvo zvave kuita kuti vawane pundutso muhupenyu hwavo.

“Inyaya inotifadza zvikuru vechidiki kunzwa kuti chirimwa chave kutipa mari yakawanda kudai chaimborambidzwa vanhu vatema kurima. Mutemo uyu wakatanga kunyevenuka pakawana nyika kuzvitonga kuzere mugore ra1980 apo varimi vechitema vakanzi vachirima zvavanoda, kureva kuti kare munhu mutema hapana chakanaka icho ainzi aite kunze kwevachena chete,” vanodaro VaMatura.

Murimi uyu akarima hekita imwechete yefodya apo anotarisira kuwana mabhero makumi maviri.

VaMatura vanoti vane tarisiro yekuti fodya iyi ichatengwa nemari yakanaka kuti vagokwanisa kuramba vachidzokera mumunda sezvo aka kari kekutanga kavo kurima chirimwa ichi.

“Ndinobatsirwa kurima chirimwa ichi navadzimai vangu Alice Chivarange (35) nevana vedu. Tinorimawo chibage kuno sezvo riri bhandi reMazowe kunonaya mvura zvikuru. Kunze kwazvo, tinorimawo bhinzi, mbambaira nezvimwe zvakasiyana izvo tinorarama kubva mazviri,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey