Fidelis Munyoro
MAKANZURU ekumaruwa haana mvumo yekutengesa minda, dare guru reHigh Court rakapa mutongo uyu richibvisa chibvumirano chekutengeswa kweminda chaive chaitwa pakati peMunda Family Trust nekanzuru yeBuhera Rural District Council.
Mutongo uyu unouya panguva iyo Hurumende iri kugara ichiyambira masabhuku kuti havana bvumo yekugovera nekutengesa minda izvo zviri kunyanya kuitwa nevari munzvimbo dziri pedyo nemaguta nemadhorobha.
Mamwe makanzuru ari kurendesa nekutengesa minda iri munharaunda dzavo pamwe nenzvimbo inofanira kunge iri yemafuro vachityora mutemo weCommunal Land Act, Rural District Councils Act neTraditional Leaders Act.
Gakava raive mudare guru iri rakange riri pamusoro pemahekita makumi mana eminda mumusha waSabhuku Madzivanyika kuBuhera une dzimba dzevagari vanodarika makumi matatu nevashanu paine chimwe chikamu chemafuro.
Nzvimbo iyi yakanga yatengeswa kuMunda Family Trust kuti ivakwe chikoro chebhodhingi uye hurongwa hwekudzinga mhuri makumi matatu neshanu idzi hwainge hwatova padanho repamusoro.
Vagari vomumusha uyu vakaendesa kanzuru iyi kudare reHigh Court vachipikisa danho iri.
Justice Webster Chinamora vanoti kutengeswa kwenzvimbo iyi hakusi pamutemo ndokubvisa chibvumirano chekutengeserana chaive chaitwa pakati paMunda Family Trust nekanzuru yeBuheral Rural District Council.
“Chikumbiro cheDeclaratory Order chinotambirwa. Chibvumirano chekutengeswa kwemahekita makumi mana eminda yemunharaunda iri mumusha weMadzivanyika, kwaMambo Chitsunge kuBuhera pakati peMunda Family Trust neBuhera Rural District Council chakaitwa nomusi wa23 Kurume 2020 hachisi pamutemo uye chakanzurwa,” vanodaro Justice Chinamora.
Muchikumbiro chavo chegwaro rekuzivisa, vagari vemumusha uyu vakati ivhu remumaruwa rakaiswa mumaoko emutungamiriri wenyika yeZimbabwe uye kanzuru inokwanisa kupa vanhu ivhu ichitevedza mitemo ine chekuita nekugovewa, kugara nekushandiswa kweminda kumaruwa.
Vanotiwo kanzuru yekumaruwa haina kodzero uye simba rekubvisa, kuburikidza nekutengesa, chero chikamu chevhu reveruzhinji.
Pamusoro pezvo, vanoti kanzuru yekumaruwa inokwanisa chete kupa mvumo yekushandisa ivhu uye mvumo yacho inopihwa kuburikidza neHurumende..
Mumutongo wavo, Justice Chinamora vanoti zviri pachena kuti minda yekumaruwa haikwanise kutengeswa.
Munda Family Trust nekanzuru vakange vapikisa vachiti minda iri kutaurwa nezvayo iyi haina muridzi uye iri mubhuku raGandiwa kwete raMadzivanyika.
Pamusoro pezvo, mapoka maviri aya aitiwo kuvakwa kwechikoro ichi hakukanganisi raramo yevagari vemunharaunda.
Asi dare rakaona kuti minda iyi iri mubhuku raMadzivanyika uye ongororo yakaitwa yakataridza kuti pane mabasa ari kutoitwa panzvimbo yemakakatanwa iyi.