Iwe ungabvume kuyamwisa garwe?

24 May, 2019 - 00:05 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA naIgnatius Mabasa
HAZVINA mutsa kutuka chitunha, asi muBhaibheri David akatora mufiro waAbhineri semufiro webenzi. Benzi rinofa kufa kwakapusa, kufa kusina dhiri, kufa kwakadhakwa kunotoshamisa vapenyu.

Chakaita kuti David azoti Abhineri akanga aita firo inenge yebenzi ndechekuti kufa kwaAbhineri kwaive kwakafanana nekufa kwemunhu asina basa asi iye ari shasha yekurwa. Zvakarewo David aireva kuti kufa kwaAbhineri kworega kutsividzwa here nekuti kana munhu achinge azviuraisa nekupusa kwake, munotambisirei nguva muchitsiva? Kana munhu afa mufiro webenzi, anonetsa kana kunzwirwa tsitsi.

Newewo funga pamusoro pezvauri kuita zvinogona kukuuraisa tikasara toti wafa mufiro webenzi. Ndakaverenga nyaya yemweya wengozi yemukadzi wekwaMurehwa uri kunzi uri kuburitsa kuti paakapondwa nechimwe chezvikomba zvake, chikomba ichocho chakarara nechitunha chemukadzi uyu senzira yekutsipika.

Mukadzi uyu aive akaroorwa, asi achibva azouraiwa nechimwe chezvikomba zvake zvaakanga adhumhanisa. Uku ndiko kunonzi kufa mufiro webenzi kune nyanga nemuswe.

Dai mukadzi uyu akanga asina kuroorwa tainzwa tsitsi. Kana kuti dai akanga ane chikomba chimwe chete, pamwe tainzwa tsitsi. Kana ukayamwisa garwe, kana mukaka uchinge wapera rinokudya.

Kufa kwemunhu hakusi kufa kwehuku kana kufa kwesvosve. Asi patinofira nemafiro edu anogona kutorwa semafiro ebenzi. Kufa uchiuraiwa nechimwe chezvikomba zvako asi iwe uine murume wako akakuroora kufa kwebenzi. Kufa kwemukadzi uyu kufa kwebenzi nekuti aiziva kuti ari kudanana nevarume vatatu. Hakuna chidofo chinodarika apa.

Handizive hangu kuti mukadzi uyu aive munhu akakudzwa sei, asi pane zvimwe zvinhu zvatinongofanira kugara tichiziva kuti tirege kufa semapenzi. Mukadzi uyu akafa mufiro webenzi nekuti zviri pachena kuti airidza ngoma nedemo achikangira maputi muruoko.

Mukadzi benzi akafanana naiyeyu anozotaurirwa nengozi kuti “ndakauraiwa nechimwe chezvikomba zvangu.” Nyangwe pari kusvikira mweya wengozi wacho unopanyarira. Kana nengozi yachowo haina nyadzi.

Iye mukadzi uyu aiti angadanane nevarume vatatu zvikaguma zvakanaka here? Kwake mukadzi uyu kwaive kusaziva kuti ari kuita chipfambi chinouraisa here? Chipfambi chake hachina njere, chine huyanga.

Ndiro dambudziko rechipfambi, chinokupusisa nekukunyepera kuti uri simbi uye wakangwara. Wanano inovakwa naMwari. Wanano haisi kombi inotora chero munhu ari kumisa nekuti ane mari.

Hupenzi kuti iwe wakaroora kana kuti wakaroorwa woshevedza vamwe vanhu kuti huyai tidye mabhisvo ane kirimu.

Tinofa kana kupona nekuda kwezvatinogara mazviri. Kana tikagara murudo rwekuba, tinofa semukadzi uyu, pamwe chete nekufa pamweya yedu. Kana tikagara muna Jesu, tinorarama nekuda kwechokwadi. Hupfambi hwemufirimu hauitwe mumba.

Adam naEve vakadya muchero wakarambidzwa naMwari vakafa. Ndiyo imwe firo yebenzi yavakaita iyoyo. Chave kutondinetsa panyaya yemukadzi uyu ndechekuti kana akafa nekuda kwehupenzi hwake, mweya wake uri kutaura sengozi unoda kubvunzwa kuti sei wave kuda kuti vamwe vanhu vazive zvakaitika zviri zvehupenzi hwake?

Mwari ngavatibatsire tirege kurarama semapenzi, kana kuti tigofa nehupenzi. Newewo muverengi, ndiri kukumbira kuti ucherechedze kuti hausi kuraramawo sebenzi here? Ndiri kukunamatira kuti Mwari vakuburitse muhupenyu hwehupenzi hwaungadai uchirarama. Rega kuti kana wafa tingoramba tichishamiswa nekuda kwehupenzi hwakakuurayisa. Pane nzira dzekufa dziri nani pane kufa mufiro webenzi.

Sipo ikasiiwa mumvura inopera.

Share This:

Sponsored Links