‘Iwewe kundiramba? Hakuna zvakadaro’

24 Jul, 2014 - 10:07 0 Views

Kwayedza

MUKADZI wekumhan’arirwa kudare neaimbova chikomba chake achinzi ari kuramba kurambwa pamwe nekutyisidzira kuzviuraya akati hazviite kuti amurambe.
Takesure Takaendesa akaendesa aimbova shamwarikadzi yake, Dadirai Mupotso, kuHarare Civil Court achiti anouya kumba kwake kuzomutuka nekutyisidzira kuti anogona kuzvikanda mumugodhi kana akamuramba.

“Mukadzi uyu aiva girlfriend yangu asi ndakasiyana naye ndikaroora mudzimai wandinaye. Ari kuramba kurambwa zvekuti ava kuita tsika yekuuya kumba kwangu kuzondituka nekundityisidzira kuzviuraira pamba pangu sezvinonzi takambogarisana. Dai akamboita mudzimai wangu taiti zvimwe regai abatikane nekuita kwangu mumwe mukadzi asi hazvina kumbobvira zvaita saizvozvo.

“Iko zvino ave kuita tsika yekunditevera kwese kwandiri. Akandiona ndiine vamwe vangu anouya ondikakaritsa pane vanhu zvekuti unotozopedzisira waita zvaanenge achida wave kunyara. Kana akaona mudzimai wangu anomushungurudza zvisingaite,” akadaro Takaendesa. Mupotso akaudza dare kuti anorwadziwa nekurambwa nemunhu waakanga akaperera kupa rudo kwenguva refu.

“Mufunge zvakaoma kunzi handichada nemunhu wawakafambidzana naye kwenguva refu. Zvaauya kuno kudare achiti haachada ndichaedza kusiyanawo naye asi zvakaoma. Andirwadzisa uye akandishandisa,” akadaro Mupotso.

Mutongi Barbra Masinire akapa gwaro redziviriro kuna Takaendesa akati Mupotso asamutyisidzire kana kumutuka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey