Uncategorized

‘Iwewe wakambondirambira chii?’

26 Jul, 2019 - 21:07 0 Views
‘Iwewe wakambondirambira chii?’

Kwayedza

Tatenda Shuro
MUKADZI wemuHarare akadunura mudare achiti ari kuoneswa nhamo nekugara achirohwa nekutukirirwa kumba nekubasa neaimbove shamwarirume yake achimuti akamurambire chii.

Tryness Chiutsi akamhan’arira Tonderai Mukweveri kudare reHarare Civil Court achida gwaro redziviriro.

“Mambo wangu, uyu anouya achindirova pabasa nekundikanganisa kushanda zvakanaka uye anondishaudha zvokutoti ndave kutadza kushanda zvakanaka zvinoita kuti mukuru webasa azoti zvikaramba zvichidaro ndodzingwa basa,” anodaro.

Chiutsi anoenderera mberi achiti, “Anouya pandogara zvakare achindishaudha zvokutoti ndave munhu asina rugare ini mambo wangu, apa ukamubvunza anoti sei ndakamuramba?”

Achipawo divi rake, Mukweveri anoti haana dambudziko nechikumbiro chaChiutsi.

“Handipokane nechikumbiro chake nekuti kumba kwake kubva zvaakati haachisina basa neni handina kumbokutsika,” anodaro.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Chiutsi gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links