Uncategorized

Iwewe wakati kudii . . .?pawakanzi ‘ndinokuda’

30 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Iwewe wakati kudii . . .?pawakanzi ‘ndinokuda’ Brailine Muzunze

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
PASICHIGARE, kupfimbana kwevakomana nevasikana itsika yaikosheswa zvikuru apo mukomana aigona kupedza gore rose kana kutodarika musikana asi ati “kana neniwo ndakuda”.

Bhutsu dzemukomana dzaipera “hiri” achingofambira musikana waanoda asi haaineta. Ndipo pakabva tsumo inoti, “Kure kwegava ndokusina mutsubvu.”

Iyewo musikana, kuti azoti “ndakuda” kumukomana, mashizha emiti nehuswa zvainge patopera kupururwa nekudzurwa mwana wemunhu achinyara kuburitsa mashoko. Zvaitoda kushinga.

Vamwe vasikana vaiti kana akakandwa shoko rerudo nemukomana, aimhanya kuenda kumba — pamwe achitochema — kunoudza mubereki kuti ndizvo zvaaitwa.

Mukomanawo, aiti akakanda shoko rerudo kumusikana, obva adiwa ipapo ipapo, kana nyaya dzacho dzaibva dzapera nekuti ainge asina kuzvitarisira.

Kupfimba musikana raive basa.

Asi nhasi uno zvinhu zvasanduka sezvo zvave kuita sedambe, mukadzi paakandwa shoko rerudo ndipo paanobva abvumawo. Kwatova nevamwe vanhukadzi vanopfimba varume. Hanzi; “Hapana chekumirira uye ukamunonokera, ko akazowana mumwe?”

Vamwe vave kutsvaga vadiwa nenzira dzakasiyana kusanganisira kuzvishambadza panhepfenyuro, mupapepanhau kana padandemutande.

Zvinobva zvaunza mubvunzo wekuti kana uri murume, shoko wakarikanda sei kumudikani wako? Ko iwewo mukadzi, uchigoti kudii uye kwapera nguva yakareba sei? Zvibvunzei.

Kwayedza inoita tsvakurudzo pamasandukiro etsika yekupfimbana ndokunzwa zvinokunda ngoma kurira.

“Kare zvainzi rooranai vematongo, saka kumamisha kwataigara mukomana aiwana mukana wekufambira musikana wake kwemakore achimupfimba. Musikana aigona kuramba zvake asi iri nzira yekuda kuona kuti mukomana anenge ari pachokwadi here kana kuti kwete. Zvaitonyadzisa kunzwa kuti musikana atobvuma mukomana pakarepo sezvava kuitika mazuva ano,” vanodaro VaSimon Reid (54) vekuChitungwiza.

Hilda Padzarondora

Vanoenderera mberi: “Nekuoma kwaita zvinhu uye kusanduka kweupenyu apo vanhu vazhinji vave kugara mumaguta, hakuchina zviya zvekuroorana vematongo uye vasikana vatovawo nenhamo yekuroorwa. Saka ave kungoti kana akawana mukomana amupfimba, haachanonoka kubvuma nekuti anenge achitya kurasikirwa nemukana.”

Nyanzvi munyaya dzezvechivanhu vari zvakare mutungamiriri wesangano reZimbabwe National Practioner’s Association (ZINPA) — Sekuru Friday Chisanyu — vanoti pasichigare, mukonana aiti kana aona musikana waanoda, aitaurira madzisekuru nanatete vomubatsira mukufambira musikana iyeye.

“Vanatete vemukomana vaitoenda kunanatete vemusikana votaura kuti vanokumbirawo badza vachireva musikana. Vanatete vemusikana ndivo vaizononyengetedza musikana kusvikira azobvuma. Vaviri ava havaiwana mukana wekubatana muviri kana kupinda pabonde kusvika varoorana.

“Paizorongwa zvekupanana nduma kana nhumbi chinova chitsidzo chekuti vaviri ava vachamirirana kusvika zuva rewanano. Nduma yaipihwa paine vafakazi sanatete nanasekuru, kureva kuti musikana aitotanga kuzvitora semudzimai wemunhu asisaonekwi achimira-mira nevamwe vakomana,” vanodaro.

Vanoti pari zvino tsika iyi yava kutevedzwa nevanhu vashomanana zvichitevera kusangana kwemarudzi uye kusanduka kuri kuita mararamiro evanhu.

Pastor Mufaro Masinyani

Pastor Rufaro Masinyani, avo vanova muvambi weWomen of Prayer Ministries, vanoti kusatya Mwari ndiyo mviro-mviro yekurasika kwehunhu.

“Wanano handi chinhu chekungowira nekuti uhu hurongwa hweupenyu hwose. Kuita mawirewire ihunzenza, ndiko kusaka tiri kusangana nenyaya dzekuparara kwewanano dzakawanda munyika muno nekuti vanhu vari kuita zvinhu chimbichimbi pasina kudzidzana kana kukumbira kunaMwari.

“Murume chaiye anobva kunaMwari, zvimwe chetezvo nemudzimai kwaye. Ngatidzidzei kushandisa mabvi pane kuvhima varume vane mari tisingatsvage vanotya Mwari nekuti mangwana mari iyoyo inopera morambana,” vanodaro.

Kuchiti Hilda Padzarondora wemuHarare anotiwo vasikana vari kukura vari munyika yatekeshera ruzivo rwechizvino-zvino izvo zvava kuita kuti vachangamuke.

“Iko zvino vana vari kutengerwa nhare vachienda kunoona mabhasikopo ane zvinyadzi uye vari kudya chikafu chinoita kuti miviri yavo ikasike kuda varume. Saka zvose izvi zviri kuita kuti vave pamberi munyaya dzerudo. Kupfimbiwa mazuva ano hakucharovesa hana — pawakandirwa shoko wotoda ipapo,” anodaro. Charles Chikaka (28) wekuChitungwiza anoti rwumwe rudo rwemazuva ano hazvireve kuzoroorana, asi kuti kungofara chete.

Mai Constance Makaza

“Rudo rwemazuva ano rwava rwekurenda (renting love) nekuti harwuchina zviga zvekuti vanhu muchagarisana kusvika murufu. Ndokusaka vasikana vasisiri kujamuka rudo. Ndezvekungofadzana chete, kana zvaipa toti bhai-bhai,” anodaro.

Mai Constance Makaza vanotiwo vamwe vanasikana vave kutya kuramba varume nekuti vashoma munyika.

“Varume vashoma kana tichienzanisa nehuwandu hwevakadzi. Saka atova makwikwi, kana musikana akaramba mukomana anotogona kuona mangwana shamwari yake iri iyo yave kuchata naye iye ozozvidemba. Saka munhu anotozongoona kuti zviri nani kubvuma nekukasika, ozoona hurongwa hwemberi pane kurasikirwa zvachose,” vanodaro.

Kelvin Chambara

Kelvin Chambara (20) anoti vamwe vasikana vari kuomerwa nekushaya munhu chaiye anovapa rudo, saka vave kungoita mawira mombe pavanopfimbwa.

“Kune vamwe vasikana vakarasikirwa nehumhandara hwavo hunokosha nekuda kwevanhurume vaivanyengedza, saka chero kana vazongosangana nemumwe murume, havanonoki kubvuma nekuti vanenge vasisazvikoshesi. Havazivi kuti chero ukarasikirwa nehumhandara, unogona kuzvibata uchizoroorwawo zvakanaka,” anodaro.

Brailine Muzunze wekuAvondale, muHarare, anotiwo: “Mukurarama kwedu semadzimai, tinofira kuti tivewo nezita rekunzi amai nhingi nekuti kana tikasaroorwa mitauro inowanda. Kana kuchechi haupihwe chigaro kana usina kuroorwa, saka kutsvaga chiremerera chete kunodariso.

“Kana usina kuroorwa, ukaonekwa uchiita nyaya nevarume vevanhu, unofungirwa zvakaipa, unenge uri munhu anongoshorwa.”

Prophetess Chengetai Masenga vemuHarare vanoti vasikana vazhinji havachina hunhu uye havachadi kuterera zvavanorairwa nevakuru nekuti vanenge vachiti ivo vane njere dzakarodzwa zvichitevera zvavanoverenga mumabhuku nekuona pamaterevhizheni izvo zvinoitwa kune dzimwe nyika.

“Isuwo vabereki, hatichina nguva nevana nekuti nguva zhinji tinenge tiri mushishi kutsvaga mari. Chatava kukwanisa kupa kuvana imari nechikafu tichikanganwa kuti hunhu hwavo hunofanira kuumbiridzwa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links