Uncategorized

‘Izvi hazviitwe, zvinoshura’

29 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
‘Izvi hazviitwe, zvinoshura’ Mambo Nyamweda

Kwayedza

Munyori weKwayedza
ZVINOSHURA kana kuyera patsika dzevanhu vatema kuti munhu agare nebhokisi rekuti agozovigirwa kana achinge afa.
Vanoziva nezvetsika idzi vanoti hazvitombotenderwa kuti munhu azvigadzirire nekuzvichengetera bhokisi raanozovigirwa.
Mukuru weZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti pachivanhu hazvibvumidzwe kuti munhu agare nebhokisi rekuzovigwa naro.

Kuchiti Mambo Nyamweda VaClaudious Mandaza vekuMhondoro vanotiwo imhosva huru pachivanhu kuti munhu agare nebhokisi rekuzovigwa naro.
“Hakuna nzvimbo inonzi haina mambo, iko kuGlen View ikoko kuna mambo weko. Ngavatore munhu uyu vamutonge saka muchizoona mvura ichitadza kunaya,” vanodaro mambo ava.

Share This:

Sponsored Links