Jairirai upenyu hutsva – NAC

08 Jun, 2021 - 13:06 0 Views
Jairirai upenyu hutsva – NAC Dr Bernard Madzima

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

NATIONAL AIDS Council (NAC) inoti zvakakosha kuti veruzhinji vajairire upenyu hutsva hwavepo hwekupfeka mamasiki, kugeza maoko nemvura ine sipo kana kushandisa sanitizer uye kusaita chitsokotsoko senzira yekudzivirira Covid-19.

Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa chemutambo wegorofu wevanhukadzi (Ladies Golf Tournament) nemusi weChina chadarika muHarare, chamangwiza weNAC – Dr Bernard Madzima – vanoti chirwere cheCovid-19 chichirimo munyika muno, nekudaro veruzhinji vanofanirwa kutevedzera matanho ose ekudzivirira denda iri.

“Ngatipfekei mamasiki nemazvo, toregedza kuungana zvisina tsarukano uye ngatirambei tichigeza maoko edu nemvura nesipo kana kushandisa masanitizer. Izvi zvinofanira kudzika midzi matiri totozvijaira nekuti ndiwo mararamiro matsva atava kutofanira kuramba tichitevedzera kuti tikunde Covid-19.

“SeNAC, tiri kuramba tichisimbaradza hukama hwedu nesangano reZimabbwe Ladies Golf Union apo mutambo uyu uchange uchiitwa kubvira nemusi wa27 kusvika 29 Nyamavhuvhu gore rino tichitsigira pamwe nekukusha mashoko ari maringe neHIV, gomarara zvinova zvirwere zviri kunyanya kushungrudza madzimai,” vanodaro Dr Madzima.

Vanoti huwandu hwehutachiona hweHIV kuvanhu vane makore ari pakati pe15-49 ekuberekwa hune chikamu che11.9 percent uye kumadzimai 14.72 percent apo varume vaine chikamu che9.07 percent.

“Vanasikana vane makore 15 kusvika 24 okuberekwa, chikamu cheHIV mavari chiri pa5.15 percent apo vakomana vezera rimwe chete iri vane chikamu che2.86 percent. Zvinoreva kuti vanhukadzi vari kufa nekuda kweAIDS pagore vakawanda kupinda vanhurume. Huwandu uhwu hunorwadza, zvichisanganisira nendufu dzinokonzerwa negomarara iro rinodyidzana nehutachiona hweHIV,” vanodaro.

Dr Madzima vanoti zvirwere zvisina zviratidzo zviri kukonzera ndufu dzakawanda pasi rose, kusanganisira gomarara apo vanhu vanodarika 8.8 miriyoni vanorasikirwa neupenyu pagore.

“MuZimbabwe, nyaya itsva dzinodarika 4 000 dziri kuitika pagore apo chikamu che60 percent chezvirwere izvi chichidyidzana neHIV. Madzimai mazhinji ari kukundikana kuenda kunovhenekwa nekurapwa zvinoita kuti vagumisire varasikirwa neupenyu nekuda kwegomarara rinononoka kuvhenekwa,” vanodaro.

Dr Madzimai vanoti nyaya dzekusaenzaniswa kwemikana pakati pemadzimai nevarume, dzinofanira kutariswa kuitira kuti madzimai abatsirikane nenguva panyaya dzeutano uye budiriro.

Pachirongwa chemutambo wegorofu wemadzimai uyu, NAC yakapa rutsigiro rweUS$15 000 nedonzvo rekukusha mashoko ari pamusoro peHIV, gomarara uye kusimbaradza nyaya dzekuvhenekwa zvirwere izvi.

“Tinokurudzira madzimai kuti ashandise mizinda yose yekuvhenekwa HIV, gomarara uye Covid-19 pamwe nekupinda mumutambo uyu. Nekuda kwekunetsa kwezvekushandisa munguva yadarika, takashandisa rutsigiro rwakabva kuProAm Golf tournaments mukutenga michina yekuvheneka gomarara iyo takaendesa kumatunhu ose enyika,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links