Jakwara rinobatanidza vanhu

24 Feb, 2022 - 16:02 0 Views
Jakwara rinobatanidza vanhu Mambo Zimunya

Kwayedza

Kingstone Mapupu

KUBVA pasichigare, kune mitambo yaiitwa vanhu vemunharaunda vachishanda pamwe chete – pangave pakurima muminda kana pakukohwa – iyo ichiri kuitwa kune dzimwe nzvimbo dzeZimbabwe.

Jakwara kana kuti nhimbe, iyo kumwe inozivikanwa nekunzi humwe, mumwe wemitambo ichiri kuitwa apo vanhu vanoungana vachibatsirana mabasa epamisha – kuita mushandirapamwe.
Mambo Zimunya, VaKiben Bvirindi, vekwaMutare vanoti nhimbe yakakosha zvikuru pakurarama sezvo ichibatanidza vanhu.

“Kubva pasichigare, nhimbe kana kuti jakwara chinhu chakagara chiriko, zvinobatsira kuti basa riite nyore. Zvinoitawo kuti vasina mombe kana zvimwe zvekushandisa vabatsirwe muchirongwa ichi.

“Sekuno kudunhu rangu, nhimbe inoitwa apo vanhu vanoungana kungava kurima, kuchera mipfudze mumatanga emombe, kudyara mbesa, kusakura, kukohwa, kupura zvirimwa nezvimwe zvakasiyana vachibatsirana basa pamunda unenge uine chijana chekuitwa izvi.

“Zvinobatsirawo kuti vaye vasina mombe kana ngoro, vamwe vanongouya nazvo voita basa pamwe chete uye pasina kubhadharana,” vanodaro Mambo Zimunya.

Vanoti muridzi wepamusha panenge pachinoshandwa anotsvaga chikafu chinodyiwa nevanhu kusanganisawo nekubika doro nemasvusvu kana kuti mahewu.

Anogona zvakare kuuraya mbudzi kana huku kuti vanhu vawane chekudya.

“Izvi zvinoitwa mumusha wasabhuku mumwe chete, vaviri kana vatatu zvichifambirana nekuwirirana kwevanhu. Makungano aya anoita kuti vanhu vadyare mweya wekuwirirana nekuti vamwe vaisataura vose vanoguma vava kuwadzana kunyangwe nekuzivana chaiko.

“Zvinobatsirawo kwatiri isu semadzishe kuti pave nesungano mukati mevanhu. Mukusangana imomo vanhu vanopanana mazano ekutsvaga mari nedzimwe nzira dzekurarama zvinoita kuti zviite nyore uyewo vanotsiurana mune zvakawanda,” vanodaro Mambo Zimunya.

Vanoti mashandiro akadai aya anoita kuti nyika igute sezvo vanhu vachipanana mazano ekurima nekubatsirana nezvekushandisa mumabasa avo.

“Kubva mukuungana kwakadai uku, kwakazoumbwawo inonzi mikando apo varume kana madzimai vava kusangana vachipanana mari kana midziyo nemagirosari izvo zvava kuita kuti kurarama kuite nyore mumhuri zhinji. Kuvengana kunoita kushoma zvakare mukati mevanhu uyewo vanhu semazuva ano vanopanana nhamba dzenhare dzavo zvodzivirira makororo anoda kupinda mavari sezvo vachizivisana nyore kuti kune muvengi avapindira,” vanodaro Mambo Zimunya.

VaPaul Zakariya, avo vanova munyori mukuru weZimbabwe Farmers Union (ZFU) vanoti nhimbe inobatsira zvikuru mukurarama kwevanhu nezvirongwa zvenyika.

VaPaul Zakariya

“Munyaya dzedu dzekurima, nhimbe kana kuti jakwara rakakosha zvikuru sezvo zvichibatsira pakudzidzisana zvose zvinodiwa mukurima.

“Ndiyo yatova mishandirapamwe yevarimi uyewo nevarimisi zvinovaitira nyore kana vamwe vemakambani anoda kudzidzisa vanhu mune zvakasiyana vanowana vari mumapoka avo kare,” vanodaro VaZakariya.

Share This:

Sponsored Links