James Chimombe orangarirwa

26 Oct, 2022 - 17:10 0 Views
James Chimombe orangarirwa James Chimombe

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI akamboita mukurumbira – mushakabvu James Chimombe – orangarirwa kuburikidza nemutambo uri kurongwa nemwanakomana wake, Davitah Chimombe, uyo uchaitwa pazuva raakafa.

James akashaika mugore ra1990 uye mumwe wevaimbi vaifarirwa zvikuru munyika muno apo nanhasi mhanzi yake ichiri kuteverwa.

Mutambo wekumurangarira uchaitwa nemusi wa29 Gumiguru pashoo iyo ichaona mwanakaomana wake Davitah achiridza nevaimbi vanosanganisira Paradzai Messi, Gonyeti, Batsirai Chinyanga naPhillip Chipfumbu.

Davitah anoti mhemberero dzekurangarira baba vake anodzironga gore negore nechinangwa chekuti zita ravo rirambe richiyemurwa munyaya dzemimhanzi.

Davitah Chimombe

Asi makore maviri adarika, dzakambomiswa nekuda kwedenda reCovid-19 iro rakaona mashoo achimbomiswa senzira yekuti vanhu vasaungane kuti denda iri risapararire.

“Baba vangu James Chimombe munhu akasiya agadzira zita rake munyaya dzekuimba saka ini ibasa rangu kuti ndivacherechedze makore ese pazuva ravakashaika.

“Ndinozviita senzira yekuti zita ravo rirambe richizivikanwa uye mhanzi yavo irambe ichitererwa. Nanhasi kwese kwaunoenda unotonzwa mhanzi yaJames Chimombe ichirira, kurakidza kuti munhu aigona uye aiziva basa rake saka zvakakosha kuti tigare tichivarangarira,” anodaro Davitah.

James akashaika musi wa23 Gumiguru 1990 uye anozivikanwa nenziyo dzakanetsa dzinosanganisira Siya Wawoneka, Cecilia, Bindura, Jikinya naChawana Mumwe.

Kuchiti Davitah muimbi akazvimirira uye kubva atanga kutevera matsimba ababa vake, akwanisa kutsikisa dambarefu rimwe chete rinonzi ‘Chakuma’ iro rine nziyo dzakaita mukurumbira dzinosanganisira Deliwe, Moyo Wangu naUsaende ako akaimba naDino Mudondo naWillom Tight.

Share This:

Sponsored Links