Uncategorized

Japan yobatsira Zim

01 Mar, 2021 - 15:03 0 Views
Japan yobatsira Zim

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE yeJapan yakapa rutsigiro rweUS$4.5 miriyoni rwekuyamura Zimbabwe panyaya yechikafu semamwe emabasa etsitsi panguva iyo nyika ino iri mushishi kurwisa chirwere cheCovid-19.

Vanhu vanosvika 5.6 miriyoni munyika muno vanonzi havana chikafu chakakwana panguva iyo pachiri kuitwa zvekare ongororo yekuona kushomekerwa kwezvekudya kuvanhu vari mumaguta.

Rubatsiro rwechikafu urwu rwuri kupihwa kumhuri dzinotambura kuburikidza nesangano reWorld Food Programme uye vari kunyanya kubatsirwa madzimai vanochengeta mhuri voga, vanhu vakaremara nevane hutachiona hweHIV chinangwa chiri chekuti vabatsirike mukuvandudza utano hwavo.

Mumiriri weJapan muZimbabwe, Ambassador Satoshi Tanaka, vanoti kubvira mwedzi waMbudzi gore rapera, vakaita hurukuro nevemapoka akasiyana ndokuona zvakakosha kuti nyika yavo ibatsire Zimbabwe nechikafu.

“Mushure mekuwanda kwenyaya dzechirwere cheCovid-19 mumwedzi waZvita gore rapera izvo zvakaita kuti zvisungo zvelockdown zviwedzerwe muna Ndira – vanhu vanotambura, kusanganisira vemumaguta avo vaipona nemabasa ekuzvishandira akadai sekutengesa, vakarasikirwa nezvinhu kana mabasa aivapa raramo. Nekuona kukura kwedambudziko rekushaya chikafu, hurumende yeJapan yakaona zvakakodzera kupa rubatsiro rwemari kuti vanhu vanotambura sedzimba dzinotungamiririrwa nemadzimai, vakaremara uye vane hutachiona hweHIV neavo vari kutsigira zvirongwa zvekurwisa chirwere cheCovid-19,” vanodaro.

Vari kubatsirwa pasi pechirongwa ichi vari kuwaniswa US$12 pamwedzi pamunhu.

Mumiriri wesangano reWFP, Muzvare Francesca Erdelmann, vanoti rubatsiro urwu rwauya panguva iyo rwange rwuchidiwa zvakanyanya.

“Tiri kutarisira kuti rubatsiro urwu rwusvike kuchidimbu chemiriyoni chevanhu vanogara mumaguta, zvikuru kuvashandi vepamberi mukurwisa chirwere cheCovid-19. Rubatsiro urwu rwunotevera US$14.8 miriyoni iyo yakawaniswa nyika ino neJapan mugore ra2020 kuti vanhu vawane chikafu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links