Jordan Zemura anotambira mari shoma

02 Aug, 2022 - 16:08 0 Views
Jordan Zemura anotambira mari shoma Jordan Zemura

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI wenhabvu weAFC Bournemouth nemaWarriors eZimbabwe – Jordan Zemura (22) – ndiye ari kutambira mari shoma kuchikwata chake mwaka uno apo chiri kukwikwidza muEnglish Premier League.

Mutsvakurudzo, zvaonekwa kuti Zemura, uyo akasaina chibvumirano chake kuBournemouth achiri kutambira chikwata chevadiki, anotambira mari inosvika £385 pasvondo.

Mari yaanotambira iyi yakaderera zvikuru kana ichienzaniswa nevamwe vatambi vemuchikwata chake vakadai saJefferson Lerma uyo anotambira mari inosvika £55 000 pasvondo.

Tichitarisa mari inotambirwa naZemura, zvinoreva kuti pamwedzi anotambira £1 432 uye mwaka wose achitambira £17 184.

Mari yaanotambira mwaka wose haisvike pane inotambirwa naLerma yepasvondo rimwe chete.

Muchikwata ichi zvekare, vamwe vatambi vakadai saDominic Solanke vanonzi vanotambira mari inosvika £50 000 pasvondo, kuchiti Phillip naLewis Cook vanotambira £40 000 pasvondo pamumwe nemumwe wavo.

Mari dzinotambirwa nevatambi veBournemouth – (spotrac.com)

Asi pane tarisiro yekuti Bournemouth ichatanga kuita hurukuro naZemura munguva inotevera kuti iwedzere kondirakiti yake iyo inotarisirwa kupera gore rinotevera. Mutambi uyu ari kutarisirwa kutamba zvikuru mwaka uno sezvo achidiwa zvakanyanya naScott Parker uyo aimushandisa mwaka wadarika apo vakahwina tikiti rekupinda muEPL.

Share This:

Sponsored Links