Joyce orongera Fury

26 Nov, 2021 - 16:11 0 Views
Joyce orongera Fury

Kwayedza

MUTAMBI wetsiva muboka reheavyweight, Joe Joyce, anoti anoda kurwa naTyson Fury munaKukadzi kana shasha yeWBC ikatadza kuwirirana naDillian White uyo waanofanirwa kusangana naye.

Joyce mumwe wevatambi vetsiva vari kusimukira zvikuru izvo zvamuona asati ambokundwa muboka iri uye akakunda Danile Dubois gore radarika naCarlos Takam gore rino.

Ishamwari yaFury uye vanombotamba mitambo yehushamwari vachigadzirira mitambo yavo yakasiyana.

Asi anoti izvozvo hazvimutadzise kuti vasangane vachirwira mabhande akasiyana.
Joyce anoti akazvipira kuti mitambo yavo vari vaviri irongwe.

WBC yakaramba kutaura kuti Whyte ndiye anofanirwa kurwa naFury sezvo vachiri vakamirira kunzwa kudare reBoxing Board of Control. Whyte ndiye ange akamirira kurwira bhande iri kwenguva ndefu, kwemazuva anodarika 1,000 ariye mutambi anotaurwa nebhodhi rinotungamirira tsiva kuti arirwire.
Saka akasvika pakukwidza nyaya iyi kumusoro kuti apihwe mukana wake. Asi kana akakundikana, Joyce akagadzirira kuti vasangane.

Anobvuma hake kuti anoremekedza Fury asi ndokumukurudzira kuti amurangarirewo.
Akanyora padandemutande paTwitter kuti, ‘Ndine ruremekedzo rukuru kunaTyson Fury seshamwari yangu uye semutambi wetsiva. Asi, ndakasununguka kusvika munaKukadzi. Ngatizviite!”.

‘The Juggernaut’, sezita rake remadunhurirwa uyo anonzi ndiye ari pamusoro pevamawe vatambi vese neWBO uye ari pechipiri kuWBC, ari kuda chaizvo kuramba achizvirakidza kuti ishasha mumutambo uyu waari kusimukira.

Svondo radarika akanyora paTwitter kuti, “Mukana wangu uchauya! Ingori nyaya yenguva chete, asi ichasvika.” – SportsMail.

Share This:

Sponsored Links