Juventus inotora mukombe: Messi

07 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
Juventus inotora mukombe: Messi Lionel Messi

Kwayedza

LIONEL Messi anoti Juventus inogona kuhwina mukombe weChampions League mwaka uno ichitadzisa chikwata chake cheBarcelona zvichitevera kutenga kwayakaita Cristiano Ronaldo uye achiti Real Madrid haichisina mukana.

Achitaura neRadio Catalunya pachirongwa cheTot Costa, Messi anoti, “Real Madrid chimwe chezvikwata chakasimba pasi rese uye ine nevatambi vepamusoro, asi nhau yekuti Ronaldo haasisiko zvichavatadzisa zvakawanda.

“Ronaldo ave kuJuventus saka zvave kutobatsira chikwata ichi kurwira mukombe uyu weChampions League uye nechikwata chavainacho chakasimba zvikuru.”

Messi anobvuma kuti akashamiswa kunzwa kuti Ronaldo aenda kunotambira nhabvu yake kuItaly mwaka uno achiti, “Handina kumbobvira ndazvifunga kuti haachatambire Madrid. Uye handina kumbobvira ndafunga kuti achaenda kuJuventus. Paive nezvikwata zvakwanda zvaimuda asi handina kumbofunga kuti Juventus chingave chimwe chacho. Zvakandishamisa zvikuru.”

Achibvunzwa kuti anogona kufunga kubva achienda kune chimwe chikwata here achisiya Barcelona – shasha iyi iyo yakambonzi inodiwa nezvimwe zvikwata zvinosanganisira Chelsea, Manchester City nemanchester United kare – inoti: “Ndine zvese zvandinoda kuno. Ndaive muchikwata ichi kubvira ndichiri nemakore 13 ekuberekwa chaiwo.

“Ndiri muchikwata chikuru pasi rese, vana vangu vakazvarirwa kuno uye handina chekubvira ndichienda kumwe.” – SportsMail Football

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>