Kadewere aenda mahara kuNantes

25 Jul, 2024 - 19:07 0 Views
Kadewere aenda mahara kuNantes Tino Kadewere

Abel Ndooka

VATAMBI vemaWarriors vanotambira nhabvu kunyika dzakasiyana dzekuEurope vakatanga gadziriro dzavo apo mwaka mutsva webhora wave pedyo nekutanga mwedzi unotevera panguva iyo Tino Kadewere aenda zvachose mahara kuFC Nantes.

Zvikwata zvizhinji zviri pakati pekuita gadziriro apo vamwe vatambi vari kutsvaga zvikwata zvitsva zvekutambira.

Mutambi weStade de Reims — Marshall Munetsi —katanga gadziriro nechikwata chake cheStade de Reims masvondo adarika uye parizvino vakaenda kuJapan uko vari kuita gadziriro.

Reims yakaronga mitambo yehushamwari izvo zvichaiona ichitamba nezvikwata zvinosanganisira Jubilo Iwata, Shimizu S-Pulse, Machida Zelvia neVissel Kobe.

Marshall Munetsi

Yapedza mitambo yekuJapan, ichadzokera kuFrance uko ichanotamba mumwe mutambo wehushamwari neAJ Auxerre.

Mumutambo wayo wekutanga wemwaka mutsva wekuLigue 1, uchaona Reims ichisangana neLille nemusi wa18 Nyamavhuvhu kunhandare yeReims yeStade Auguste-Delaune.

Mumwaka uyo takatarisana nawo, Tino Kadewere achange achitambira nhabvu yake kuchikwata cheFC Nantes uko akaenda zvachose mahara achibva kuOlympique Lyon.

Mwaka wadarika munaNdira, Kadewere akaendeswa kuLyon nechikwereti zvichitevera kutadza kukwana muchikwata ichi.

Akakwanisa kutamba mitambo 14 kuNantes ndokunwisa kamwechete mumutambo weLigue 1 apo chikwata ichi chakabva chamutora zvachose.

Nantes yakaronga mitambo yehushamwari iyo ichaona ichitamba nezvikwata zvinoti Dunkerque, Laval neLorient zvekuFrance uye ichazoenda kuEngland kunotamba neCrystal Palace.

Mutambo weNantes wekutanga weLigue 1 ichaenda kuStadium de Toulouse uko ichanosangana neToulouse.

KuItaly, Jordan Zemura, uyo akaita mutambi wemuZimbabwe wekutanga kutambira kunyika iyi, akatanga gadziriro dzemwaka weSerie A kuchikwata cheUdinese masvondo adarika.

Jordan Zemura

Udinese parizvino yatamba mitambo mitatu yehushamwari izvo zvakaiona ichikunda Bilje 5-0, ndokukunda Istra 1961 4-1 uye ndokuzoita mangange 2-2 neWolfsberger.

Zemura akatamba mitambo yese iyi apo ari kurakidza kuti ari muhurongwa hweUdinese yakatarisana nemwaka wa2024/25.

Udinese ichatamba mimwe mitambo mina yehushamwari neFC Cologne yekuGermany, Konyaspor (Turkey), Aris Limassol (Cyprus) neAl Hilal (Saudi Arabia).

Kaputeni wemaWarriors — Marvelous Nakamba — mwaka wadarika akakanganiswa paakakuvara gumbo izvo zvakamuona achipedza nguva yakareba asiri kutamba nhabvu kuLuton Town.

Pamitambo yehushamwari yange iri kutambwa neLuton Town parizvino apo iri kugadzirira mwaka mutsva muEnglish Championship, Nakamba haasi kuonekwa ari muchikwata ichi.

Brendan Galloway akatanga gadziriro kuPlymouth Argyle iyo ichange ichirairidzwa naWayne Rooney mumwaka weEnglish Championship.

Mwaka wadarika, Plymouth yakapinda muEnglish Championship ikabudirira kuramba irimo saka zvichitevera kuuya kwakaita Rooney, icharwira kuti ipinde muEngland Premier League.

Munashe Garananga achange achitambira nhabvu kuchikwata chikuru cheCopenahagen chekuDenmark zvichitevera kubva kwaakaita kuKV Mechelen yekuBelgium.

Garananga akaenda kuMechelen munaNdira ndokutamba nhabvu inonwisa mvura izvo zvakatuma Copenhagen kuti imutenge.

Copenhagen inotarisirwa kutamba muUEFA Champions League mwaka uno kureva kuti Garananga anogona kuve mutambi wekutanga muZimbabwe kutamba mumutambo uyu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey