Kaka odzoka munhabvu

12 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Kaka odzoka munhabvu Kaka

Kwayedza

AIMBOVE mutambi wenhabvu weBrazil, Kaka, anonzi ari kutarisirwa kudzoka kuzotambira chikwata cheMonza icho chiri kutungamirwa naSilvio Berlusconi.

Shasha iyi yakasendeka shangu dzenhabvu gore radarika mushure mekutamba kwemakore akawanda, asi ari kunzi ari kudiwa naBerlusconi uyo aimbove muridzi weAC Milan.

Berlusconi ari kuda kuonekwa simba rake zvichitevera kutenga kwaakaita chikwata ichi chemuSerie C.

Sekutaura kwebepanhau rekuSpain, Marca, Berlusconi anofarira Kaka zvikuru zvichitevera nguva yavakashanda vese kuMilan uye ari kuda kuti mutambi uyu abatsire Monza kuti isimudzirwe mwaka uno.

Kaka zvinonzi ari kudawo kuenda kuchikwata ichi nekuda kwekushanda zvakanaka kwaakaita naBerlusconi kuSan Siro, uko kwaakagara makore matanhatu kubva 2003 kusvika 2009, ndokuzombodzoka mugore ra2013.

Parizvino haana chikwata chaari kutambira zvichitevera makore matatu aakatambira Orlando City yemuMLS.

Mutambi uyu anozivikanwa nematambiro anonwisa mvura uye achinwisa zvinodadisa.

Kaka akahwina mubairo weBallon d’Or uye akambotambira chikwata cheReal Madrid chekuSpain.

Berlusconi akatengesa AC Milan makore maviri adarika, iye zvino kambani yake yeFininvest yakazivisa svondo radarika kuti yakange yapedza kutenga chikwata ichi nemari inosvika 2,2 miriyoni paunzi asi inogona kusvika ku2,6 miriyoni.

Berlusconi – uyo aimbove prime minister weItaly – akatengesa AC Milan kune kambani yekuChina nemari inosvika $800 miriyoni mugore ra2017. – Sportsmail Football

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey