Kakara kununa hudya kamwe

14 Feb, 2020 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Bembera padare naWedzerai Nhemachena

PADARE ratakagara musvondo rakapera, takabata nyaya yezvinoreva hukuru kana hutungamiri nezvinotarisirwa kuti aite mumusha, pakambani kana munyika. Dare rakati mutungamiri haafanire kuzvifunga iye pachake, kana kutora mukana wehukuru hwake kupaza pfuma yemusha kana yekambani achizvigovera iye oga.

Ko vana, chirikadzi, vakaremara, vanorwara, nevakwegura vanochengetwa nani kana zvadaro. Kunenge kusisina kwekutizira kana huku yodya mazai ayo, kunenge kwangova kakara kunununa hudya kamwe. Musha unenge usisina anoutungamirira.

Kakara kununa hudya kamwe ndiwo mutemo wemusango, pasina anokutsiura pasina anoranga mumwe, asi munhu anongovimba nesimba rake chete kana simba rewaakatsamirana naye. Kakara kununa hudya kamwe mutemo wekutorera vasina simba zvinhu zvavo, kana zvavanokodzera kuti vawane. Asina simba ndezvake, anofa akadaro. Mutemo uyu unotizve ane zvizhinji achatorera ane zvishoma, kuti wezvishoma asare asisina kana chinhu chinomubatsira muupenyu hwake nemhuri yake. Kana watorerwa neane simba, iwe hauna kwaunonomhan’ara nokuti dare racho rinopedzwa neakutorera, ndipo pakaperera sarungano.

Dare rino rinobvunza kuti: Iwe pauri ipapo semutungamiri wemusha, wekambani kana webazi rehurumende, uri papi pakukurudzira kakara kununa hudya kamwe, uri papi kudzivirira varombo, vanorwara, vadiki vasina simba, madzimai asina simba, nevamwe vanoremerwa?  Wakabvutira mwana chingwa here pamuromo, wakadzidzisa vana vako kutora zvisiri zvavo here, wakagara pauri ipapo wapihwa neanofanira kukupa here, wakawana nzvimbo yechikoro mune zvakanaka here, wakawana basa rako zvakajeka here, wakashandira here kugarika kwaunako nhasi? Uri kupa varombo hutano here, uri kuvapa zvikwanisiro here, uri kupa marezinesi ekuchovha motokari vanokodzera here kana vane mari yemuhomwe mavo? Ko zvakatanga rinhi kutengeserwa mari yako nemunhu asina kuishandira? Ko vanopihwa mari (cash) mumabhanga vakaita sei? Ko varombo vachadya chii nekudhura kwave kuita hupfu nechingwa?

CHENJEDZO:

Kana mhinduro yako ichiti kwete kune mibvunzo iyi, ziva kuti uri chikara, ziva kuti wakatsamirana nemumwe kutorera varombo vasina simba avo vari kuchema newe. Ziva kuti vanhu vakachema newe zvichakudaidzira rushambwa. Ndizvo zvinorehwa nedare rino kuti iwe muzvina chitoro, mutungamiri wemusha, mukuru wechikoro, mutungamiri wekambani usabvutire vanhu zvinhu zvavo.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey