Kakomana katsikwa nechitima

01 Sep, 2022 - 17:09 0 Views
Kakomana katsikwa nechitima

Kwayedza

Ray Bande ari kwaMUTARE

MWANA mukomana wechidiki wekuChikange, uyo ange achidarika njanji akaisa ma”headphone” munzeve, atsikwa nechitima ndokufa nhasi mangwanani.

Zita rake harisati raziviswa, asi zviri kufungidzirwa kuti ange akavhurisa ma”headphone” aya zvekuti paridza chitima ichi bhero, iye haana chaanzwa ndokubva atsikwa.

Vachitaura zvaitika, VaJames Mutimbanyoka vanoti: “Chitima change chichibva kuHarare uye tose tanzwa ruzha rwacho zvekare charidza bhero chaizvo. Vamwe tatofunga kuti ibhero rachinogara chichiridza kana chosvika pamharadzano yemugwagwa nenjanji apowo panodarika nevanhu vetsoka nguva nenguva.

“Zvinoratidza kuti mutyairi wechitima ange aona kuti mukomana wechidiki uyu haana kuona kana kunzwa chitima chichiuya. Atsika ndokufa isu tichitoona.”

Zvakawanda zviri kutevera.

Share This:

Sponsored Links