Uncategorized

Kamba yakapfeka dehwe retsuro pfacha

18 Sep, 2021 - 07:09 0 Views
Kamba yakapfeka dehwe retsuro pfacha Kamba yakaonekwa pamba

Kwayedza

Lovemore Kadzura ari kwaRUSAPE

PAMBA pemudzimai wekwaRusape pari kuramba pachiitika mashiripiti zvichitevera kumuka kwaakaita mangwanani eMuvhuro svondo rino achiona kamba mhenyu yakapfekedzwa machira emucheka weretso pamwe chete nedehwe retsuro mubindu rake.

Mai Tambudzai Makombe havachina rugare sezvo zuva nezuva vari kuona manenji pamba pavo.
Kuitika kwezvinhu zvisinganzwisike pamba pemudzimai uyu kwasiya vatungamiriri vemunzvimbo iyi pamwe chete nevanoita zvechivanhu vasina neremuromo.

Kwava nevhiki rimwe chete vabva kuona moto wemashiripiti uyo wakapisa muti wavo wemupichisi mubindu ravo uye zvimwe zvinhu zvine chekuita nemishonga zviri pagedhi ravo.

Zvino rwendo rwuno Mai Makombe vashanyirwa ne”muyenzi” wavasina kujaira – kamba yakaputirwa nemicheka ine mavara pamwe chete nedehwe retsuro.

Kamba iyi yakaonekwa ichitenderera mubindu raMai Makombe nemuzukuru wavo uyo aitsvaira chivanze.
Inonzi yakazobviswa nemuporofita anonzi Petros Kembo.

Sadunhu Sanzaguru, VaStephen Kamangira, vanotsinhira nyaya iyi uye vanoti zviri kuitika izvi zvavakandisa mapfumo pasi.
“Kamba mhenyu yakaputirwa nemucheka weretso nedehwe retsuro yakaonekwa neMuvhuro pamba paMai Makombe. Muzukuru wavo aitsvaira pachivanze ndiye akaiona.

“Vanhu vakashamisika zvikazoita kuti muporofita Kembo, uyo akambobvisa zvimwe zvinhu zvakaonekwa pagedhi repamba apa adaidzwe kuti abvise kamba iyi zvakare.

“Handisi kuziva kuti akaiuraya here kana kuti kwete asi chandiri kuziva ndechekuti akaibvisa. Takayambira Mai Makombe kuti vatsvage rubatsiro kubva kune vemachechi pamwe chete nevechivanhu,” vanodaro Sadunhu Sanzaguru
Pavakachairwa nhare neKwayedza kuti vataure nezvenyaya iyi, Mai Makombe vanoti: “Handina zvekutaura. Ndapota chimbondiregai ndimbozorora.”

Muporofita Kembo anoti haakwanisi kutaura pamusoro penyaya iyi pasina kubvumirana naMai Makombe.
“Vanofanira kutanga vataura nemi nezvenyaya iyi. Ndinofanira kutanga ndanzwa kwavari kuti vanoda here kutaura nevemapepanhau nezvenyaya iyi.

“Semuporofita, handikwanise kumhanya kutaura iye munhu wacho asingadi kuti zvizivikanwe neveruzhinji,” anodaro.
Pamba paMai Makombe panonzi panokandwa matombo asinganzwisisike kuti anobva nekupi uye pane zvinhu zvinonzi zvine chekuita nehuroyi zvinosanganisira hari yaiva nezvinhu zvakachenuruka nejira reretso izvo zvakaonekwa pagedhi pavo.
Pamusoro pazvo, mucheka muchena pamwe chete nenyanga yemombe zvakaonekwawo.

Mumwe anoroja pamba apa, VaOwen Mupondiwa, vanoti pane imwe nguva pakamboita ruzha rwaidzivirira nzeve rwakavamutsa ndokuona muti wemupichisi uchitsva nerimi remoto mubindu remudzimai uyu.

“Ndakatanga kugara pano mwedzi miviri yapera seroja. Ndiko kekutanga kuona zvakadai. Ndakamuka kuma1 dzekunze kwoedza kuti nditarise foni yangu ndipo pandakanzwa ruzha rwakanyanya panze. Mumaminitsi mashoma, Mai Makombe vakandidaidza vachiti pane moto panze.

“Takadira mabhaketi maviri emvura pamoto uyu wakanga wavharira kamupichisi kadiki aka. Moto uyu wanga wakakura zvisingaite asi takashamisika kuti wakangopisa mashizha mashoma chete.

“Kamucheka kadiki kachena kakadonha kubva mumuti uyu. Pagedhe pakanga paine hari nemucheka weretso. Takapinda mumba ndokurara, asi takaona zvimwe zvishamiso mangwanani acho. Takaona kamucheka kachena nenyanga yemombe zvakarasirwa pedyo nechirugwi chehuku,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey