Kambo kaGringo naZikimo kabuda

06 Jul, 2022 - 11:07 0 Views
Kambo kaGringo naZikimo kabuda Lazarus ‘Gringo’ Boora

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI wenziyo dzechitendero ari kusimukira – Edmore Zikimo – arangarira shasha yakaita mukurumbira nemadhirama neny’ambo dzaisetsa zvikuru, mushakabvu Lazarus “Gringo” Boora, zvichitevera kambo kaakabura kanonzi Zodzo.

Zikimo naGringo vakatsikisa vose kambo aka ako kari padambarefu rake rechipiri rinonzi Great Power.

Anoti akashanda naGringo mugore ra2016 apo vakatsikisa kambo aka, ndokuzobika vhidhiyo racho muna2019.
Asi Gringo akazoshaya vhidhiyo rekambo aka risati raburitswa.

“Rufu rwamukoma Lazarus rwakatirwadza zvikuru uye ini zvakandibata zvakanyanya nekuti namukoma tine mabasa atainge tatanga kuita tose asi tisati taapedza. Ndakashanda uye ndikafamba navo panguva iyo ndaitsikisa dambarefu rangu rechipiri.

“Veruzhinji vanogona kunge vasingazvizive asi mukoma Gringo vaive nechipo chekuimba. Ini ndakatoimba navo pakambo kanonzi Zodzo kari padambarefu rangu rechipiri.

“Takatsikisa kambo aka tikazoita vhidhiyo, zvisinei ivo havana kuzoona kubuda kwevhidhiyo rekambo kacho sezvo vakazotisiya vhidhiyo risati rabuda. Asi ndinongoyemura hangu dzidziso yavakandisiira iyo yakakosha zvikuru sezvo vakandidzidzisa zvakawanda,” anodaro Zikimo.

Edmore Zikimo

Zvichakadaro, pari zvino Zikimo anoti ari mushishi kubika dambarefu rake rechitatu iro anotarisira kuzoparura mumwedzi iri kutevera.

Anoti kuvhurwa kwakaitwa nzvimbo dzinoridzirwa magitare dzakasiyana zvave kubatsira kuti vaimbi vachiita mashoo vachiwana mari uye upenyu hwavo huchiendeka izvo zvange zvakakanganiswa nekuda kwedenda reCovid-19.

“Kugara tisingaridze magitare kwange kwakatiomera sevaimbi kwemakore maviri adarika. Asi zvange zvakakosha kuitira kuti upenyu hweveruzhinji huchengetedzeke.

“Saka tiri kufara kuti tave kukwanisa kuita mashoo takasununguka uye vatsigiri vedu vachiuya nehuwandu hwavo kuzotitsigira,” anodaro Zikimo.

Gringo akashaya muna2020 mushure mekusimbirwa nechirwere chegomarara.

Share This:

Sponsored Links