Kamukombe anotandwa nemudzimai waGeorge

11 Jul, 2014 - 15:07 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 7 (Nyaya yacho)
Mangwana acho George naMusekiwa vanoenda nemuriwo kuKaroi, George ndokupfuurira kuenda Chinhoyi kunogadzirisa motokari ndokuzoenda nebhazi kuHarare kumuzukuru wavo Andrew. Kamukombe akadhakwa manheru acho anoenda kumba kwaGeorge uko anosvikopihwa sadza rine nyama yemombe ndokurishora achiti aida nyama yehuku.

Paanobvunzwa nemudzimai waGeorge kuti huku yaakapa mari VaMandizvidza nemusi wechishanu havana kumubikira here, anopindura achindandama.

Nhiyo makumi mashanu dzaakatengerwa nababa vaHazvinei anoti dzakafa dzose nemvura.
Maitiro aKamukombe ndeekuda kutamba chiramu naamaiguru vake izvo vasingafariri.

Apo mudzimai waGeorge anoenda kunorarisa Hazvinei anosiya ataurira Kamukombe kuti apo anodzoka anoda kuzomuwana asisimo.
Vanodzoka vachimuona achirimo izvo zvinovashatirisa munhu ndokuda kuvanyengetedza kuti vagare pasi vatandare.

Mudzimai waGeorge anotanga kurongedza midziyo chinyararire achigwedebudza Kamukombe ndokuvhunduka paanoerekana dota rondimuka muchoto.

Amai vaYeukai vanomuti abude mumba izvozvi ndokubata tsiga remote akanongedzera pachipfuva chaKamukombe vachichinzvengesa zvengesa.

Kamukombe anodududza nenhendeshure munhu pamusuwo ndokudonha negotsi.
Anosimuka nekukasika kwava kuita ushamwari nemhepo.

Amai vaYeukai vanosonana naye kusvikira vave kunze kwagedhi.
Vodzoka kumba ndangariro dzavo dzinotanga kutenderera achifunga nekuita kwaKamukombe.

Ivo babamukuru kana kumbouya kuzobvunza kuti zvinhu zvainge zvafamba sei pakarovera motokari.
Ivowo amai vaMandizvidza vakatadza kusvika kuti vazoona sezvo kurovera kwacho zvakaitika vachiona. Izvi zvinoita kuti azvibvunze kuti vane ravo rimwe chete naamai vaMusekiwa.

Usiku hwacho mudzimai haakotsiri zvakanaka kuri kufunga nezvemagariro akadaro.
Mangwana acho munhu anomukira kubindu kwaakaswera ari pabasa guru rekutengesera vanhu muriwo avo vaiuya vakawanda sevari kutinhwa.

Nechitatu manheru, George naMunjodzi vanosvika nemotokari yavakutaridzika setsva.
Ari kutaura nemudzimai wake nemari yakawanda yainge yaunganidzwa, mai vaTichaona vanobva vasvika.

Mudzimai uyu ane nyaya iyo anoda kukurukura naamai vaYeukai inove yekuti vauye kune vamwe madzimai kusvondo.
George haapokani nazvo.

Anotamba naamai vaTichaona achiti vari kuita rusarura pakukoka amai vaYeukai vega kusvondo vasingavakokiwo. Vanozoperekedzana nomumwe wavo ndokundovasiya kunze kwegedhi.

ONGORORO
Kudimikira kunyange kuri kushaikwa zvako kunge zino rehuku, kwatinosangana nako kunotiratidza kuti mufundisi mutsva aitaurwa naamai vaTichaona zvechokwadi aigona kuparidza sezvo zvinodimikirwa zvichinzi aiparidza zvaidonhedza mashizha emiti” (35).
Enzaniso ndidzo dzatinoona dzichishandiswa zvakati kuti.

Maitiro aKamukombe nemudzimai wake maererano nenhiyo makumi mashanu dzavakatengerwa nababa vaHazvinei anoshamisa amai vaYeukai saka vachishandisa enzaniso vachiti vakadzidya ari manyana “seshiri” here? (32)

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey