Kana kumaruwa iriko Covid: Ishe

25 Jul, 2021 - 00:07 0 Views
Kana kumaruwa  iriko Covid: Ishe Mambo Seke

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAMBO Seke, VaStanley Chimanikire, vekudunhu reMashonaland East vanoti munhu wose ari panyatwa yekubatwa nechirwere cheCovid-19 nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzere matanho akatarwa ekuzvidzivirira kudenda iri.

Vanoti kune vamwe vane pfungwa dzekuti chirwere ichi chinobata vanhu vekumadhorobha nemaguta bedzi, kwete vekumaruwa.

“Kune vamwe vanhu vekumaruwa vane pfungwa dzekuti Covid-19 yakatangwa nevanhu vekumaguta nemumadhorobha avo vanonzi ndivo vanonyanya kubatwa nayo. Mafungiro akadai anoita kuti ruzhinji rwekumaruwa rwutadze kubatsira zvizere mumatanho ekurwisa chirwere ichi, zvokonzera kupararira kwehutachiona hwacho,” vanodaro Mambo Seke.

Vanopa muenzaniso wenguva yakatanga HIV neAIDS vachiti vanhu vekumaruwa zvakare vaizvitora sekuti ndezvevanhu vekumaguta nemadhorobha nevamwe vakakwirira mukurarama.

“Izvozvi tinonzwa vamwe vanhu vachiti Covid-19 chirwere chevanhu vekumaguta vaine pfungwa dzekuti ndiko kwachakatangira nekuti ndiko kunofamba motokari dzakawanda, uye kunouya vashanyi vanobva kunze kwenyika. Mafungiro aya akambouya kare pakatanga HIV neAIDS.

“Mafungiro akadai anoda kugadziriswa kuti chirwere ichi chinowanikwa kungava kumaguta, kumamisha, kumapurazi, kumigodhi nekumwe,” vanodaro Mambo Seke.

Vanoti mamwe mashoko anokonzerwa nekuti vanhu vanowana ruzivo rwushoma pamusoro pechirwere cheCovid-19.

Vanotenda bazi rezveutano nekurerwa kwevana nekuramba richiparadzira chenjedzo kuruzhinji nezvechirwere cheCovid-19 kumatunhu ose enyika.

Zvisinei, Mambo Seke vanoti kune vamwe vanhu vasati vave kukoshesa kutevedzera matanho akatarwa ekurwisa kupararira kwedenda iri.

“Tinoona munzvimbo dzedu dzemabhizimisi kana mumisha vanhu vanofamba vasina kupfeka mamasiki vachiungana vachiti kuno kumamisha kune mhepo yakanaka, hakuna hutachiona hwedenda iri. Tinokurudzira kuti vanhu vedu vatambire mashoko ose anobva kunyanzvi dzezveutano pamusoro pechirwere ichi.”

Mambo Seke vanoti dunhu ravo rinongova chinhambwe chemakiromita mashoma kubva muHarare neChitungwiza uye vamwe vagari veko vanoshandira mumaguta aya vagirara kumisha yekwavo zvinoita kuti pave nenjodzi huru yekupararira kweCovid-19 kana vakasazvidzivirira.

“Chirwere kana chichibata vanhu hachisarudze kuti munhu anogara kumaruwa kana kuti kumaguta, chinongobata nekuuraya tose. Saka ngatizvichengetedzei nekuita zvose zvinodiwa zvinosanganisira kupfeka mamasiki, kushandisa sanitiser, tosiyana netsika yekuungana uye togezawo maoko nesipo nemvura inochururuka,” vanodaro mambo ava.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vawane mashoko ane chekuita nechirwere ichi kubva kunyanzvi dzezveutano kana kuzvipatara nekumakiriniki ari padyo navo kwete dzimwe nhama dzinowanikwa padandemutande.

“Yambiro yangu iri kuvanhu vose kuti dai tawana ruzivo kubva kubazi rezveutano pane kutora mashoko kuvanhu vakazvimirira nekuti tinoendeswa mudondo. Zvinoshamisa kuona kuti vamwe vechidiki ndivo vari pamberi kuparadzira mashoko emanyepo nekuda kwechirwere ichi, vanotarisira kuti vafambise mashoko chaiwo ekurwisa denda iri,” vanodaro Mambo Seke.

Vanoti chirwere cheCovid-19 chiri kukonzera matambudziko akawanda mudunhu ravo kusanganisira vanasikana vari kutiza chikoro vachienda kuvarume.

“Tine vanasikana vemazera ekuenda kuchikoro vemudunhu rangu vari kuitiswa pamiviri panguva ino zvikoro zvakavharwa. Zvisinei nekuti mutemo wave kubvumidza kuti vaenderere mberi zvavo nechikoro, asi nekuda kwekunyara, vazhinji vavo vanogara kudzimba vosiira chikoro panzira,” vanodaro Mambo Seke.

“Vabereki ngatichengetedzei vana vedu apo vagere kudzimba nekuti misikanzwa inowanda, vanakomana vave kuitawo zvekudhakwa nekuba ukuwo vasikana vachiita pamiviri,” vanodaro Mambo Seke.

Share This:

Sponsored Links