Kana mbeu dzinoyereswa

15 Nov, 2022 - 17:11 0 Views
Kana mbeu dzinoyereswa Chibage

Kwayedza

Kingstone Mapupu

NGUVA yeZhizha yasvika apo varimi kumativi ose enyika vari mubishi kudyara mbesa dzakasiyana vaine tarisiro yekuti mwaka uchaita zvakanaka nyika igova negoho guru.

Panguva yakadai, vamwe varimi vanoyeresa mbeu dzavo kungava kumafundisi, kumaporofita nekumasvikiro kana nekun’anga, chinangwa chiri chekuti vagowana goho rakanaka.

Kwayedza inoita hurukuro nedzimwe nyanzvi dzechivanhu nevamwe vakuru vemachechi pamusoro penyaya iyi.

Letwin Manguwo kana kuti Gogo Mamoyo vekuChitungwiza vanoti chinhu chose chinoda kusimbiswa pachivanhu.

“Tasvika munguva yekutanga kweZhizha apo varimi vari kudyara mbesa dzakasiyana tichishandisa mvura iri kunaya iyi. Tinotora mukana uno kuyeuchidzana kuti mbeu idzi dzingava dzemanhanga, dzechibage nedzimwewo dzinofanirwa kuendeswa kumasvikiro nekumhondoro kana kun’anga dzinosimbiswa. Mukarega kudaro munoona kuti goho renyu rinodzikira,” vanodaro Gogo Mamoyo.

Vanoti mbeu ikarega kusimbiswa kana kuti kuyereswa, kune vamwe vanogona kutora zvirimwa muminda.

Gogo Mamoyo

“Kune vanhu vanoshandisa inonzi tsvera mishonga yekutora zvirimwa muminda yevamwe. Asi mbeu dzenyu dzikayereswa havambofa vakazvikwanisa.

“Saka mhanyai nembeu dzenyu dzinosimbiswa, pachivanhu munouya nembeu dzose dzamunoda kurima makaisa mupepa todziisa muhari dzoraramo kana kungodziisa tichidziburitsa modzokera zvenyu kunodyara,” vanodaro Gogo Mamoyo.

Mashoko avo anotsinhirwa naSekuru Tasvu vemuHarare, avo kumusha vanobva kuMt Darwin, vachiti zvakakosha kuti varimi vayerese mbeu dzavo.

Sekuru Tasvu

“Pachivanhu, mbeu dzose dzinofanirwa kuendeswa kumhondoro kana kudzin’anga nekumasvikiro kunoyereswa. Kana muchienda kumachechi, endai ikoko zvinokubatsirai pakuti mbesa dzenyu dziite zvakanaka,” vanodaro Sekuru Tasvu.

Bishop Christopher Chimukoro (40) vechechi yeBow of Christ Covenant Church (BOOC) vanoti mbeu dzinofanirwa kuyereswa uye tsika iyi yakabvirwa kare nemadzitateguru ikapambirawo kumachechi.

“Mwana kana akaberekwa anoyereswa wani, zvimwe chete nechinhu chose chitsva. Tikatenga motokari chaidzo pachivanhu dzinodirwa doro uye kumachechi tichidziyeresa saka kana Zhizha rava kutanga kudai, mbeu ngadziyereswe.

“Isu takatozviita kare kumachechi pasvondo ratinoti rembeu,” vanodaro Bishop Chimukoro.

Madzibaba Bond Junior Gumira vechechi yeBornservia Johane Masowe yeJerusarema vanotsinhira nyaya yekuyereswa kwembeu varimi vasati vadyara.

Madzibaba Bond Gumira

“Kune vashereketi mubasa rekurima saka mbeu dzose dzinoda kusimbiswa kana kuyereswa. Vanoziva vakatoendesa kare mbeu dzavo kumaporofita nekumasvikiro nekumwewo kwavanoona zvichavaitira. Kana imba chaiyo inosimbiswa nesamende wani saka hakuna chinhu chinofamba pasina kuiswa ruoko rwemweya mutsvene. Mbeu ngadziyereswe,” vanodaro Madzibaba Bond.

Pachivanhu, zvirimwa zvikaibva zvinonzi zvinotanga kudyiwa nemhondoro kana kuti makombwe kuchizouya madzishe, vanhu vose vasati vadya.

“Kana zvirimwa zvaibva zvakare tine tsika yatinotevedza kuti zvinotanga kudyiwa nemhodoro vanhu vose vasati vadya. Chivanhu isu kumasowe tinotevedza nekuti masvikiro nemaporofita tiri chinhu chimwe chete,” vanodaro Madzibaba Bond.

Share This:

Sponsored Links