Kana ofinhura mukadzi . . .anodhotera mubhurugwa

17 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa

VAMWE baba vakashaya pekupinda mudare apo mudzimai wavo akati aona nhamo nekuwacha mabhurugwa avo ayo avanoitira tsvina senzira yekuda kumupfidzisa.

Nommater Pasi akaendesa murume wake, Dzingai Matiyo, kudare reHarare Civil Court achimupomera kumushungurudza.

“Mambo wangu, murume wangu anondishungurudza zvikuru. Ndiri mukadzi wemapoto, haana kundiroora asi anondirova uye kundituka pamwe chete nemwana wangu wandakauya naye. Iye neni tine mwana mumwe chete,” anodaro.

Anoti Matiyo ane tsika yekuitira tsvina mumabhurugwa ake.

“Ndanzwa nekuwacha tsvina yaanoitira mumabhurugwa achiti anoda kundifikisa, handizive kuti ndakamutadzirei chaizvo. Ndinoda kuti atore mwana wake ndikwanise kunotsvaga basa nekuti ndaneta nazvo, ndave kuda hangu kubuda mumba macho,” anodaro Pasi.

Matiyo anoti haashungurudze Pasi.

“Mukadzi uyu handimushungurudze uye zvose zvaataura kunyepa. Handiitire tsvina mumabhurugwa ini. Ndakangomurova kamwe chete badzi ari iye futi atanga. Dambudziko rake nderekuti anongobva pamba kana kwesvondo rose, ini ndikamubvunza ototi ndanetswa,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Pasi gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey