Kwayedza

Kana oranga mukadzi . . .anomusungirira pamuti, omurova

‘Nekuti handichamuda’

‘Muroyi, ndakamubata’

Janet Chari
MURUME wekumhan’arirwa kudare redzimhosva nemudzimai wake achinzi anomurova apo anenge akamusunga makumbo nemawoko anotsinhira kuti anomuzvambaradza zvechokwadi nekuti muroyi uye haachamuda.

Florence Dondo akamhan’arira Farai Chirimudondondo kuHarare Civil Court achitsvaga dziviriro.

“Anondirova akandisungirira pamuti kusvika aneta, uku makumbo nemawoko zvose zvinenge zvakasungwazve kuitira kuti ndisazvidzivirira,” anodaro Dondo.

Dondo anoti murume wake anomutuka nezvinyadzi uye achimuti muroyi.

“Anondituka nezvinyadzi pamberi pavabereki vake nevana achindiudza kuti ndinoroya uye ndinofanira kubva pamba,” anodaro Dondo.

Chirimudondondo haasi kupikisana nemashoko aDondo achiti anomurikita nokuti anoroya, saka haachadi kugara naye.

“Ndakumubata aine mishonga ndikamubvunza kuti ndeyei akatadza kupindura. Saka ndakazogutsikana kuti anoroya,” anodaro Chirimudondondo.

Chirimudondondo anoenderera mberi achiti hama dzake hadzifarire Dondo nekuti dzinoziva chokwadi pamusoro pehunhu hwake hwakaipa.

“Chikumbiro chaari kuda mupei abve pamba pangu nekuti kunyangwe hama dzangu haawirirane nadzo nokuti anoziva kuti vari kutaura chokwadi pamusoro pake,” anodaro Chirimudondondo.

Mutongi Manasse Masiyiwa akapa Dondo gwaro redziviriro.