Uncategorized

Kana shanje dzabata . . .Akapisira mudiwa, Chikomba mumba

10 Apr, 2020 - 00:04 0 Views
Kana shanje dzabata . . .Akapisira mudiwa, Chikomba mumba Mai Priscilla Kativhu vari mukati memba yakapiswa nemoto

Kwayedza

Fungai Lupande Mash Central Bureau
MUDZIMAI wemumusha weChipadze, kuBindura, akashaika pamwechete nechikomba cheshamwari yake mushure mekutsva zvakaipisisa apo imba yavainge vari inonzi yakatungidzwa varimo nemurume waakambodanana naye.

Njodzi iyi yakaitika musi wa27 Kurume panhamba 127 Sojini.

Yeukai Hakata (39) akanofira kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals, kuHarare, mushure nemazuva maviri vawirwa nenjodzi iyi asi chikomba cheshamwari yake, Andrew Mahwata (37), akashaika vaviri ava vachangobva kutsva.

Mahwata aigara panhamba 401 Runyararo Street, imomo muChipadze.

Shamwari yacho, Nyarai Sakala (25), aivewo mumba imwechete iyi pakaitika njodzi iyi uye anonzi ari kurapwa muchipatara cheParirenyatwa.

Vatatu ava vanonzi vaive vakatandara vachiona chivhitivhiti mumba maHakata uyo aizivikanwa saYolanda munharaunda.

Zvichakadai, mapurisa emuBindura ari kutsvaga nemaziso matsvuku wavanofungira kuti ndiye mupari wemhosva iyi, Tafadzwa Mapfumo uyo anofungidzirwa kuti ane makore anoda kusvika 40 okuberekwa.

Mapfumo anonzi aigaroshungurudza Yolanda mushure mekurambwa achiti anoda kudzoserwa mari yake yaakashandisa pavainge vachadanana.

Yolanda akazoenda kumatare edzimhosva kunokumbira gwaro rinomudzivirira.

Nyaya iyi yaifanirwa kupinda mudare musi wa26 Kurume asi Mapfumo haana kuenda kudare uku izvo zvakazoita kuti Yolanda anozivisa mapurisa.

Muridzi vepamba pairoja Yolanda, Mai Priscilla Kativhu vanoti njodzi iyi yakaitika zuva ronovira uye ivo vainge vasipo pamba.

Vakazodaidzwa vatatu ava vatonunurwa asi vasati vatakurwa kuendeswa kuchipatara.

“Ndakadaidzwa kumba zvichinzi Yolanda akandirwa bhomba repeturu nababa Lisa kana kuti Tafadzwa uyo aimbova chikomba chake anogara kumaLight Industry,” vanodaro Mai Kativhu.

“Yolanda akambondiudza kuti ari kunetsana naTafadzwa mushure mekumuramba. Aiti murume uyu ange oti ndidzosere zvose zvandakakutengera. Ndizvo zvakaita kuti aende kudare kunotora gwaro rekuzvidzivirira.

“Akamutorera mbozhanhare yake ndokuzotanga kufonera shamwari yaYolanda achimushungurudza zvakare. Sakala akaendawo kudare kuti apihwe gwaro rakewo rekuzvidzivirira,” vanodaro Mai Kativhu.

“Murume aive mumba uyu murume weshamwari yaYolanda uye ndinonzwa kuti apa vaironga zvekunohodha matemba kuMozambique.

“Mushure mekutungidza imba, Tafadzwa anonzi akabata

gonhi zvakasimba nekunze kusvika imba yose yavharirwa nemoto,” vanodaro Mai Kativhu vachiratidza kushushikana.

Vakaona chiitiko ichi vanoti Yolanda ndiye akanyanya kutsva zvekuoneka dehenya remusoro uye vanhu vaisava nechivimbo chekuti anosvika kuchipatara achiri mupenyu.

Hanzvadzi yaYolanda, VaPanganai Mutukwa vanoti vazere nekukahadzika kukuru nechiitiko ichi.

Masikati ezuva iri, VaMutukwa vanoti vainge vambotaura naYolanda panhare achivavimbisa kuti achanoswera achitandara navo kumba kwavo zuva raitevera.

“Akanyanya kutsva ndiYolanda zvekuti akaenda ari muamburenzi yake oga. Takatozoshama kuti murume ndiye akatanga kufa,” vanodaro.

“Ndapererwa. Mwana wangu ari Grade 7 akarota ari pamuchato, amai vake vakamuudza kuti kurota muchato zvinoreva rufu. Sekuru vanguwo vanoti vakarotawo vari pamuchato.

“Yolanda asiya vana vana, mukuru mukomana ari muFomu 4. Takarohwa nehana patakanzwa kuti pane murume afa panjodzi iyi tichiti zvimwe ndiye,” vanodaro.

Yolanda akanoradzikwa kumusha kwake kwaMurehwa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Assistant Inpsector Fidelis Dhewu, vanotsinhira chiitiko ichi vachiti Mapfumo haasati asungwa.

Asst Insp Dhewu vanoti: “Nemusi wa27 Kurume nenguva dzekuma 4 zuva ronovira, Mapfumo — uyo anonzi anogara kuLight Industries, muBindura — akashanyira Yolanda uyo aimbova musikana wake.

“Anonzi akatanga bopoto achiti anoda kudzoserwa mari yaakashandisa panguva yavaifambidzana. Akazoenda hake asiya ataura mashoko ekutyisidzira.”

Mapurisa anoti kwangopera nguva pfupi, Mapfumo akadzoka zvakare pamba paYolanda. Anonzi akawana vatatu ava vagere zvavo mumba vachiona chivhitivhiti.

“Mapfumo ainge akatakura inofungidzirwa kuti ipeturu iyo yaakasvikomwaya vatatu ava mushure ndokuvatungidza nemoto,” vanodaro Asst Insp Dhewu.

“Vavakidzani ndivo vakazonunura vatatu ava avo vakazomhanyiswa kuchipatara cheBindura uko vakasvikonzi vapfuurire kuParirenyatwa, kuHarare. Mahwata akabva angoshaika,”                             vanodaro.

Asst Insp Dhewu vari kukumbira vose vangava neruzivo rwungabatsira kuti Mapfuma asungwe kuti vazivise mapurisa ari pedyo navo.

 

 

Share This:

Sponsored Links