Uncategorized

‘Kana usingade kurohwa, siyana nemurume wangu’

30 Aug, 2019 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MUDZIMAI anogara mubhuku rekwaChinhanga, kwaSeke, akamiswa mudare reChitungwiza Magistrate’s Courts nemhosva yekurova mumwe mukadzi wemunharaunda achimupomera kudanana nemurume wake.

Muchaneta Masakara (31) akabatwa nemhosva yekurova Ephania Chiwape (27) wemubhuku rekwaKuora, kwaSeke kwekare.

Mutongi wedare iri, Michelle Mutasa akamuti abvise faindi ye$100 uye kukundikana kwake achanofondoka kujeri kwemwedzi wose.

Muchuchisi Muchabaiwa Nharaunda akaudza dare kuti nemusi wa22 Chikunguru, Masakara akaenda kumba kwemumhan’ari uko akasvikomupomera mhosva yekudanana nemurume wake asi Chiwape akarambisisa nezvenyaya iyi.

Masakara akabva anyepera kunge anzwisisa achibva aenda, asi akazotanga kutumira mumhan’ari mashoko panhare yake achishandisa nhamba dzinoti 0775 879 407 achimutukirira nezvinyadzi.

Nemusi wa8 Nyamavhuvhu, vaviri ava vakazosangana paMakoni Shopping Centre munguva dzemasikati apo Masakara akatanga kutukirira Chiwape achiti, “Nhasi ndazosangana newe pfambi”.

Akatanga kumurova nembama nezvibhakera muviri wose.

Masakara anobvuma mhosva yaari kupomerwa achiti akarova Chiwape nekuti ari kudanana nemurume wake.

“Hongu, ndakarova mumhan’ari nekuti ari kudanana nemurume wangu,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey