Kana varume vanobatwa negomarara rezamu

16 Nov, 2022 - 08:11 0 Views
Kana varume vanobatwa negomarara rezamu Varume negomarara

Kwayedza

Munyori weKwayedza

GOMARARA remuzamu rinonzi harisarudze sezvo richibata zvose vanhukadzi nevanhurume.

Muvarume, matishu mazhinji ezamu ari kuseri kwezamu.

Vakadzi vane matishu ezamu akawanda kupfuura varume uye vane mikana mizhinji yekubatwa negomarara.

Zvirwere zvegomarara zvinogona kuitika mumazamu evarume.

Nokudaro, gomarara rezamu harina kujairika muvarume uye rinowanzoitika mune vanopfuura makore 50 okuberekwa.

Zvakakosha zvakanyanya kupa ruzivo nerutsigiro kuvarume vane dambudziko regomarara rezamu pamwe nemhuri dzavo.

Zviratidzo zvegomarara rezamu muvarume zvakafanana nezvevakadzi uye zvinosanganisira:

– bundu pazamu

– kukora kwemazamu

– kushanduka kwemazamu kana zamu

– kurwadza kwemazamu

– kuita mwambabvu muhapwa.

Zvikonzero zvegomarara rezamu muvarume zvinosanganisira zvinotevera:

– kukwegura

– nhoroondo yegomarara mumhuri

– kuwanda kwemahomoni mumuviri

– kukanganiswa kweduriro

– klinefelter’s syndrome – chiitiko chisingawanikwe kazhinji apo varume vane miviri ine X chromosomes uye imwe Y chromosomes (XXY) pachinzvimbo cheXY.

Mamwe mararamiro evanhu anowedzera zvishoma njodzi yegomarara rezamu muvarume nevakadzi anosanganisira:

– kunwa doro

– kuita muviri wakanyanya kukura

– kusaita mitambo inosimbisa muviri

Zvakadai, ongororo yegomarara rezamu muvarume yakafanana neyevakadzi uye inosanganisira:

– mammogram apo mishina yeX-ray inovheneka mazamu.

– michina yeUltrasound Scan inova nzira isingarwadze inobudisa mifananidzo yezviri mukati mezamu.

– biopsy apo panodimburwa chikamu chenyama dzinofungirwa kuva negomarara dzichinovhenekwa pamishina.

Kurapa gomarara rezamu muvarume kunoenderana nekukura kwedambudziko iri uye kunosanganisira zvinotevera:

– mushonga mukuru wegomarara rezamu muvarume kubviswa zamu nekuvhiya (mastectomy).

– zamu rose rinobviswa asi kazhinji nyama dziri pasi pezamu hadzibviswi.

– partial mastectomy, kazhinji haisi sarudzo yakakodzera kune varume.

– radiation therapy (radiotherapy) inokurudzirwa mushure mekuvhiyiwa nechinangwa chekubvisa chero masero egomarara anenge asara achipiswa nemagetsi.

– chemotherapy inoshandisa mishonga kuuraya masero egomarara zvichiita kuti anonoke kukura.

Inogona kukurudzirwa mushure mekuvhiiwa, kunyanya kana gomarara richionekwa mumwambabvu.

– hormone therapy inogona kushandiswa kuwedzera kune mamwe marapirwo.

Hormone therapy ine chinangwa chekuvhara maitiro e-estrogen kana kuderedza huwandu hweestrogen mumuviri.

Targeted therapy;

Kushandiswa kwemishonga kurapa mamwe marudzi egomarara rezamu.

Mushonga unonyanya kushandiswa iHerceptin uye inowanzo kupihwa pamwe chete nechemotherapy.

Palliative care:

Mune zvimwe zviitiko zvegomarara rezamu, apo varapi vanokurudzira kurapwa kwepalliative.

Palliative care ine chinangwa chekuvandudza upenyu hwako nekuderedza zviratidzo zvegomarara uye marwadzo.

Pamwe nekudzikisira kupararira kwegomarara rezamu, kurapwa kwepalliative kunogona kuderedza marwadzo uye kubatsira kubata zvimwe zviratidzo.

Kurapa kunogona kusanganisira kurapwa kwemarwadzo, chemotherapy kana kumwe kurapa kwezvinodhaka. — cancer.org.au.

Share This:

Sponsored Links