Uncategorized

Kana wasvotwa rutsa . . .

13 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Kana wasvotwa rutsa . . . Sekuru Chisanyu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI anogara kuSouthlea Park, muHarare, anonzi akatora gwaro rekuzvarwa kwemwana wake — uyo ava nemakore maviri ekuberekwa — achishandisa magwaro ekufa eaimbova murume wake wekutanga izvo zvasiya murume waava naye aine mibvunzo yekuti mwana uyu ndewake here kana kuti kwete.

Pfavai Mapira (33) wekuSouthlea Park kwekare, uyo anozviti ndiye murume waGracious Chidamahiya (35), anoti mudzimai wake uyu akaita izvi nekuda pfuma yemurume wake wekutanga uyo akashaya.

Chidamahiya nerimwewo divi ari kuti Mapira haazi murume wake, asi kuti chikomba uye anobva amukanda makobvu nematete achiti, “Futi gombarume harina mwana”.

Mapira anoti paakabvunza Chidamahiya nenyaya yekunotoresa mwana gwaro rekuzvarwa, aingotsika-tsika kusvika azotiza mushure mekunge iye aziva kuti mwana uyu akatopihwa zita (surname) yeaimbova murume wake wekutanga.

“Gracious akanga akaroorwa nemumwe murume ainzi Authur Urayayi uye vanga vakavaka imba vari vose panhamba 377 Southlea Park. Vaviri ava vakazosiyana ini ndichibva ndazogara naye muno muSouthlea Park mekare tichibva taita mwanasikana watakatumidza zita rekuti Tanyaradzwa.

“Musi wa28 Chivabvu 2017, Urayayi akazoshaya ini ndokutendera mudzimai wangu kuti aende anochema aimbova murume wake sezvo aine vamwe vana ikoko — ane makore 12 neane18,” anodaro.

Mapira anoti mudzimai wake sezvo ari iye ange aine magwaro emufi ose, akakwanisa kufambira mari dzake dzekubasa kwaaishanda kukambani yemagonyeti yeInter-Continental.

“Kambani iyi yakamupa mari inosvika $20 000 uye imba akanzi ndeyake sezvo vakavaka vose nemufi. Ndiye zvekare akafambira magwaro ekufa kweaimbova murume wake uyu, saka chakazondishamisa ndechekuti akazotora magwaro emufi (death certificate) achibva aenda kunotoresa mwana wangu gwaro rekuzvarwa.

Zvino ava kuti mwana uyu ndewemufi zvisinei nekuti ini ndine chivimbo chekuti ndewangu.

“Pandakamubvunza nezvenyaya iyi, akabva apata pamusha zvose nemwana uyu,” anodaro.

Mapira ane fungidziro yekuti Chidamahiya anogona kudaro akaenda kuBindura kuvabereki vake nemwana uyu sezvo asiri kuonekwa pamba panogara vana vake vakuru kuSouthlea Park.

Achibvunzwa nemunyori uno kuti anotadza nei kumhan’ara nyaya iyi kumapurisa kana kutevera kuBindura kwacho kuti anoona kuti mwana wake ariko here, Mapira anoti anoda kutanga amboita tsvakurudzo.

“Ndinoda kuti adzore mwana wangu, kana achitetereka hake nenyika oita izvozvo ari oga.

Haangatoresi mwana wangu gwaro rekuzvarwa achishandisa senemu yeaimbova murume wake ini baba vacho ndiri mupenyu. Kana achida kuti tiende kunoitwa maDNA test ndakazvipira nekuti zvinosunungura pfungwa dzangu kuti ndizive kuti zvedi mwana haasi wangu nekuti vanhukadzi havarambirwe.

“Unogona kusara kugara nemunhu uchifunga kuti akavimbika kwauri nyambisirwa handizvo,” anodaro.

Mapira anoti Chidamahiya ane nguva yaakambomudurira kuti zvose zvekupa mwana uyu senemu yemushakabvu akazviita nechikonzero chekuda mari.

“Ndakambomubvunza kuti sei wakaita izvi sezvo airamba kuti tinotoresa mwana birth certificate, akanditi muupenyu chaanoda imari. Ipapo haana kumbovanza, akati iye aitya kuti hama dzemurume dzaizogona kumurambira kuti awane mugove wenhaka yeaimbova murume wake sezvo ava kumumwe murume zvekare ava nemumwe mwana mucheche. Saka akavanyebera kuti mwana uyu ndewedzinza ravo,” anodaro.

Mapira anoti senzira yekuti awane kutiza nemwana uyu, Chidamahiya akatanga kutaura twunyaya twekunyeba achiti aona mameseji eshamwarikadzi yake “munhare yangu achibva atotiza ini ndiri kubasa”.

Anotizve iye haana pfuma yaakabvisa kuvabereki vemukadzi uyu sezvo amai vake vakairamba zvinoita kuti ashaye simba rekusvika pamusha pavo achitevera mudzimai wake nemwana.

Zvisinai, Chidamahiya anoti Mapira aingovawo chikomba, kwete murume wemumba.

“Murume wangu akashaya musi wa28 Chivabvu 2017 ini ndikazosara ndozvara Tanyaradzwa musi wa11 Chikumi 2017. Saka Mapira anoti mwana uyu ndewake pakudii?

“Zvingaita here kuti mudzimai mumwe chete obara mwana nevarume vaviri panguva imwe chete? Hamuoniwo kuti kupenga here uku? Ngaasiyane neni, handisi mudzimai wake nekuti anga achingova chikomba changu bedzi uye hataigara tose asi kuti taingopota tichishanyirana.

“Ini handichamuda, akandishainira. Airara akaisa demo kana banga kupiro kuti ndimutye achindishungurudza, ane magirlfriends hobho. Hongu, murume wandakasiyana naye akanga ava nemumwe mudzimai asi havaigara vose, aitovawo girlfriend saka iye Mapira hazvinei naye,” anodaro.

Chidamahiya anoti haana kusununguka kuti mifananidzo yake neyemwana ari pamakakatanwa uyu ibude munhau.

“Mwana wangu anababa 1, saka anoda kuti aite mabirth certificates 2 here zvaanoramba achiti hande tinotoresa mwana birth certificate? Raanaro rakatokwana. Iye (Mapira) ane vana vake vaviri vari kutoenda kuchikoro vaakaita nemumwe mukadzi vasina magwaro ekuzvarwa, anodii kunovatoresa?

“Zvisiri zvake ari kuzvivavarirei? Ngaasiyane nekutaura nezvemari yemurume wangu uye imba nekuti hazvinei naye, musaitiswe imi veKwayedza. Muudzei kuti ngaaite zvose zvaafunga ini hapana chandinotya,” anodaro Chidamahiya.

Anoenderera mberi: “Anopenga, aingova chikomba saka gomba harina mwana.

Akandiramba, aifunga kuti ndichamunamata manje ari kutoona kuti ndiri kutoenderera mberi neupenyu uye anoti handisi kubatika iye ndichitaura naye zuva nezuva pafoni?”

Nyanzvi munyaya dzechivanhu vari zvakare mutungamiriri wesangano reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA), Sekuru Friday Chisanyu, vanoti kana mwana achinge aendeswa kudzinza risiri rake, pane minana inoitika zvinoita kuti vanhu vazogumisira vazvitsvaga muchivanhu kana kumaporofita.

“Zvinowanikwa kuti mudzimai anogona kukundikana kuziva kuti mwana ndewani kana akanga achipinda pabonde nevarume vakasiyana panguva imwe chete. Ndokusaka kazhinji muchiona vasikana vachitizira kuvanhu vakasiyana pozoitawo anenge aita munyama wekubvuma.

“Asi chokwadi ndechekuti dzinza rimwe nerimwe rine mutupo waro nezviyerwa zvaro, saka vadzimu vanoronda vemudzinza ravo kuti adzoke kumusha, chokwadi chinozongobuda pachena,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links