Kana zvake zvamubata . . . Anofamba ari musvo hanzvadzi nevana vachiona

17 Jan, 2023 - 16:01 0 Views
Kana zvake zvamubata . . .    Anofamba ari musvo hanzvadzi nevana vachiona

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MURUME wemuHarare anonzi anofamba mumba ari musvo vana vachiona senzira yekushungurudza hanzvadzi yake iyo anogara nayo pamba pevabereki.

Izvi zvabuda mudare reHarare Civil Court uko Patience Ziki aendesa hanzvandzi yake, Crispen Chimanga, achiti ari kumushungurudza pamwe chete nevana vake.

Anoti Chimanga anomutema nezvidhinha achitukirira nemazwi anonyadzisa pamberi pevana.

 “Anofamba ari musvo imba yose zvinova zvisingaite pamberi pevana. Crispen anondituka kuti ndiri muroyi asi ndini ndinomupa chikafu apa murume mukuru ane makore 42 okuberekwa. Zvose ndini ndinoita pamba apa, kubhadhara magetsi zvose nemvura. Pamwe pacho anodzima magetsi toshaya chokubikisa,” anodaro Ziki.

“Crispen anoti achauraya vanhu pamba ipapo zvinove zvave kutityisa. Takamupa dzimba dzake dzekugara asi anoramba achindishungurudza nevana vangu. Anopaza magonhi nemahwindo zvinove zvinodhura kuramba zvichingogadziriswa.”

Crispen haana kuenda kudare.

Mutongi Tamara Chibindi vapa Ziki gwaro redziviriro ndokuti Chimanga arege kushungurudza hanzvadzi yake uye vagare zvakanaka pamba pevabereki vavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey