Kana zvikava ‘Hard’ sei . . .handirase tariro: hardlife zvirekwi

27 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Kana zvikava ‘Hard’ sei . . .handirase tariro:  hardlife zvirekwi

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI weCAPS UNITED nechikwata chenyika chemaWarriors, Hardlife Zvirekwi, anoti ari mudenga richinomwe nemufaro zvichitevera kudzoka kwaakaita munhandare kuzotamba nhabvu kubvira apo akakuvara zvikuru munjodzi yemumugwagwa muna Chivabvu gore rino. 

Shasha iyi yakakuvara mutsaona yemotokari musi waChivabvu 12 zvakaona ichidamburwa ruwoko rwayo.

Panguva iyi, vanhu vazhinji vakamhanya kuti mutambi uyu haachafe akatamba nhabvu zvakare asi akaramba achishanda nesimba achitsungirira kusvika nhasi apo adzoka muchikwata cheKepe-kepe.

Svondo rapera, Zvirekwi akatamba mutambo wake wekutanga kubvira paakakuvara mutsaona uye ndokutungamira chikwata chake apo chakaita mangange 0-0 neFC Platinum kuMandava Stadium, kuZvishavane.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Nairobi — sezita remadunhurirwa raZvirekwi, anoti haasi kugona nemufaro kuti ave kuita zvaanoziva chaizvo, kutamba nhabvu izvo zvinomuraramisa iye nemhuri yake.

“Hapana chinhu chinorwadza sekutorerwa chinhu chaunodisisa, mwedzi yadarika zvange zvichindiomera kugara ndisingatambe nhabvu nekuti ndicho chinhu chandinozivisisa kubva mukukura kwangu.

“Nhabvu ndohupenyu hwangu uye ndoinounza sadza patafura yangu nemhuri saka ndinotenda Mwari vanondichengeta uye vakandipa mumwe mukana wekuramba ndichitamba nhabvu,” anodaro.

Kunyangwe hazvo vamwe vanachiremba vaiti zvichagona kuremera Zvirekwi kuzotamba nhabvu zvakare, muchinda uyu anoti haana kuda kuzviteerera.

“Vanhu vanotaura, vamwe vaitoti pangu pandiperera asi handina kumbozviteerera nekuti Mwari ndivo vega vanoziva, ndivo vanotirongera.

“Saka ndinovatenda kuti nhasi ndiri pano ndiri mupenyu uye ndiri kutaura zvandakasangana nazvo muhupenyu hwangu,” anodaro.

Zvirekwi anoti ari kushandisa tsaona yaakasangana nayo kukurudzira vamwe vatambi vemitambo yakasiyana — vangave vemadhirama kunyangwe vanhuwo zvavo vakaita tsaona — kuti vasarase tariro muhupenyu hwavo.

“Ini ndiri mucherechedzo wekuti ndakapona uye Mwari vachiri nechinangwa neni pasi pano saka ndiri kuti ndikawanawo mukana ndinombotaura nevanhu vakasiyana ndichivakurudzirawo kuti vasarase tariro muhupenyu hwavo kana zvinhu zvaoma. Zvinogona kuita sekunge zvashata asi chese chaunosangana nacho muhupenyu hwako ngachisakudzikisire, shanda kuti udzoke pamusoro,” anodaro.

Zvirekwi anoti haasati asendeka kutambira maWarriors uye chishuviro chake kuti azoshevedzwa kuzotambira chikwata ichi zvakare mune ramangwana.

“Chishuviro chemutambi wese wenhabvu kutambira nyika yake uye ini chaiye ndiri kuda chaizvo kuzotambira nyika yangu saka ndicharamba ndichishanda nesimba kuti ndidzoke muchikwata chenyika yangu.

“Zvangosarira kuvarairidzi vacho ndivo vanoziva uye ndivo vanosarudza. Ini ndichangoramba ndichishanda nesimba chete,” anodaro.

Mukupedzisira, Zvirekwi anoti chikwata chake cheGreen Machine — serimwe zita remadunhurirwa reCAPS UNITED — chinofanirwa kusimuka chiende pamusoro pelog chidzore mukombe wePremier Soccer League uyo wavakahwina mugore ra2016. Anoti pavakagara parizvino palog hapana hapo kushata asi vanoziva kuti vanogona kusimukira kuenda pamusoro kudarika pavari.

“Patakagara parizvino hapasipo chaipo pedu, tofanirwa kusimukira kuenda pamusoro kudarika ipapo. Tiri kufanirwa kuramba tichishanda nesimba,” anodaro.

 

Share This:

Sponsored Links