Kingstone Mapupu
KANZURA weWard 18 kuMhondoro-Mubayira anoti ari kushingairira kusimudzira kurimwa kwemapindu nevechidiki senzira yekusimudzira upenyu hwavo uye kurwisa dambudziko rekutorwa kwezvinodhaka.
Kanzura Kudanaishe Majome (38) vanoti muward mavo vane vechidiki vakawanda vasina basa rekuita nekudaro vakaona zvakakosha kuti vavabatsire mukurima mapindu.
“Tine nzvimbo nemapindu ane mvura yakawanda ayo tiri kushandisa nevechidiki — vakomana nevasikana — kurima zvirimwa zvinopa ruwomba,” vanodaro Kanzura Majome.
Vanoti vane makomiti avakaumba mumisha anotungamirira basa rekurimwa kwemapindu uye vari kushanda nevarimisi vemunharaunda yavo.
“Tichitaura kudai, tine mapindu anokwana makumi maviri ari kurimwa zvinonwisa mvura zvinosanganisira muriwo, madomasi, derere, hanyanisi nemagaka izvo zvavanotengesa kumisika yakadai sekuMbare muHarare, Norton, kwaChikwanha kuChitungwiza nekuChegutu,” vanodaro Kanzura Majome.
Vanoenderera mberi vachiti: “Chinangwa chedu sevatungamiri kuMhondoro tinoda kuzofusha zvirimwa zvedu zvakaita semuriwo, madomasi, derere nezvimwe zvakasiyana tichishandisa michina yekuomesa yechizvino-zvino, ingava inoshandisa magetsi kana simba remoto rinobva muzuva. Nzira idzi dzekuvandudza zvirimwa dzinoita kuti zviwedzere pahukoshi uyewo zvichizobura mari yakawanda pakuzvitengesa.”
Vanotenda kanzuru yavo yeChegutu pamwe neHurumende nekuvandudza zvibhorani zvaiva zvakafa nekucherwa kwezvimwe zvitsva izvo zviri kubatsira zvakanyanya mukurimwa kwemapindu.
VaNyasha Guma (48), mumwe wevari kuita bhindauko rekurima mapindu aya, vanoti chirongwa ichi chavasimudzira zvikuru.
“Basa rekurima mapindu ratisimudzira zvakanyanya, hatichafe nenzara uyewo mhuri dzedu dzinodya dzichiguta tichizviwanirawo mari,” vanodaro VaGuma.
Vanoti nekuda kwemabhindauko aya, zvabvisa vechidiki vazhinji mukutora zvinodhaka nemamwe mabasa ehunzenza.
Zvisinei, VaGuma vanoti dambudziko ravanosangana naro kushaya michina yemadiridziro kuti mabasa avo aendeke.