Kanzuru yeHarare yorwisa Covid

30 Sep, 2021 - 17:09 0 Views
Kanzuru yeHarare yorwisa Covid VaMichael Chideme

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KANZURU yeHarare iri kusimbaradza mabasa ekusimudzira zvivakwa, kuwanisa veruzhinji mvura yakaringana uye kufambisa zvirongwa zvekubaya majekiseni ekurwisa chirwere cheCovid-19.

Muhurukuro neKwayedza kuZimbabwe Agricultural Show iyo yakatanga neMuvhuro svondo rino, VaMichael Chideme – avo vanova mutauriri wekanzuru yeHarare – vanoti vari kuedza nepose pavanogona kuona kuti makiriniki nezvipatara zvekanzuru zvawanisa veruzhinji majekiseni uye ruzivo rwekurwisa Covid-19.

“Mumakiriniki edu imomu ndimo muri kuvhenekwa vanhu, kuwaniswa mashoko echenjedzo pamusoro pechirwere cheCovid-19, kubaiwa nhomba dzekudzivirira uye kurapwa kwevanenge varwara. Varapi vedu havasi kugara pasi zvichitevera kunyuka kwechirwere cheCovid-19 nekuti chakauya kuzowedzera mutoro pamusoro pezvimwe zvirwere zvagara zvichinetsa munyika, saka tinovapembedza,” vanodaro VaChideme.

Vachibvunzwa panyaya yekuwaniswa kwemvura kune veruzhinji sezvo riri dambudziko rinonyanya kunetsa munyaya dzekuzadzikisa zvirongwa zveutano, vanoti pari zvino kanzuru yavo yakavandudza huwandu hwemvura inoendeswa kuvanhu.

“Tiri kuita zvirongwa zvebudiriro izvo zvatinodaidza kuti ‘Development Corridors’ apo tiri kuisa zvivakwa zvemhando yepamusoro zvemudurikidzwana. Zvivakwa izvi zviri kushandiswa mukuita mabhizimusi akasiyana zvinoita kuti nyika ive nebudiriro pamwe nekuwaniswa kwemabasa kune vechidiki.

“Tiri kuwanisa zvekare vagari vemuHarare mvura yakawanda senzira yekurwisa denda reCovid-19 nekuti kana pasina mvura vanhu havazogoni kushambidzika. Mvura inodiwa mukugeza maoko, kuwacha, kunwa nemamwe mabasa akakosha muupenyu,” vanodaro.

Kusvika nemusi weChitatu svondo rino, vanhu 130 485 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa kubvira pakatanga denda iri muZimbabwe munaKurume wegore rapera.

Pavarwere ava, 122 759 vakatopona asi vamwe 4 616 vakafa.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 3 072 033 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira Covid-19 apo 2 248 001 vange vabaiwa echipiri (2nd dose)

Share This:

Sponsored Links