Kanzuru yematicha youmbwa

08 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Kanzuru yematicha youmbwa Vana vechikoro vekuChitungwiza vaifara zvavo apo vaibva kuchikoro nguva pfupi yadarika

Kwayedza

Felix Share
HURUMENDE iri mushishi kuumba kanzuru ichange ichitungamirira mashandiro ematicha, yeTeaching Profession Council (TPC), iyo varairidzi vachakumbira mvumo yekuti vanyoreswe zviri pamutemo vasati vapihwa gwaro rekuti vaite basa ravo.

Izvi zviri mugwaro reTeaching Profession Council Bill richange riine mitemo yemashandiro anofanirwa kuitwa nematicha.

Veruzhinji vakatotanga kupa pfungwa dzavo pamusoro pegwaro iri nemusi weMuvhuro uno kuHwange, kuMatabeland North.

Chirongwa chekunzwa pfungwa dzevanhu ichi chichapera nemusi wa14 Kurume mushure mekunge vanhu vari kumatunhu ose enyika vapa pfungwa dzavo.

Vamiririri vemasangano evarairidzi, vebazi redzidzo yepuraimari nesekondari nevePublic Service Commission ndivo vari kutenderera kumativi mana enyika vachinzwa pfungwa dzeveruzhinji pamusoro pegwaro iri.

Gwaro iri richazoendeswa kudare reParamende kunozeyewa, mushure mezvo rozokumikidzwa kuve mutemo.

Pasi pegwaro iri, anenge achida kuita basa rehuticha achanyorera kukanzuru yeTPC.

Kanzuru iyi ine simba rekuramba kunyoresa munhu anenge achida kuve mudzidzisi uye yomuzivisa zvikonzero zvinenge zvaita kuti isamunyorese.

Munhu anenge achigunun’una nekuda kwedanho rinenge ratorwa neTPC rekusamunyoresa, anogona kuendesa chichemo chake kugurukota redzidzo yepuraimari nesekondari mukati memazuva 30.

Kana achinge asina kugutsikana zvakare nezvinenge zvaitwa negurukota iri, anogona kuenda kudare guru reHigh Court mukati memazuva 30.

Apex Council organising secretary, VaCharles Chinosengwa, vanoti vanogashira gwaro iri nemawoko maviri.

“Gwaro iri rakanakira isu maticha mukuchengetedza basa redu, zvakangofanana nanamukoti,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Haungangotore munhu mumugwagwa womuti huya uzofundisa. Range ranonoka kuuya gwaro iri. Harizi kuuya kuzotsiva masangano anomirira maticha.

“Tichange tichiita zvimwe chete sezvinoitwa nanamukoti zvekuti unofanirwa kunge wakanyoreswa zviri pamutemo gore roga roga kuti unge uchiita basa rako.”

Share This:

Sponsored Links