Uncategorized

‘Kashinda kandakapihwa nen’anga kava nyoka’

07 Jul, 2021 - 08:07 0 Views
‘Kashinda kandakapihwa nen’anga kava nyoka’ Sekuru Fombe

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wepapurazi reElstone Estate kana kuti Konzi Farm, pedyo nedhorobha reNorton, apatiswa musha zvekugara musango achitiza nyoka yaanoti inomunanzva uyewo nechipoko cheaiva shamwarikadzi yake yakashaya icho chaanoti chinomurova nekumumanikidza kuita bonde nacho.
Sekuru Kefas Fombe Dzenga (82) vanobva kuBarwe, kudunhu reVilla Katandika kuMozambique, vanoti vakauya muZimbabwe ichiri kunzi Rhodesia mugore ra1957.
Vanoti nyoka iri kuvananzva iyi yakabva pamishonga yavakanotora kun’anga vachiti vakwanise kuhwinha mari panjuga uyewo nekuti vadiwe nemurungu pabasa achivapa mari yakawanda.
“Ndinozviziva kuti ndakaromba ndichida kuti ndikunde pamutambo wenjuga. Zvino mushonga uyu wapanduka kuita nyoka yava kundinanzva.
“Uyewo aiva shamwarikadzi yangu uyo  akatsikwa nemota tichibva kudoro ava kundimukirawo chipoko chinouya mumba ndirere chichindimakidza kuita bonde nacho nekundikisa pamuromo nemuviri wose.
“Ini handichada, chinobva chandirova nekundinanzva pose pandnoramba kuita bonde nacho,” vanodaro Sekuru Fombe.
Pamusoro pekunanzwa nenyoka nekurohwa nechipoko chemudzimai uyu, vanoti kune zvimwe zvivanhu zvinodarika zvishanu zvinouya mumba mavo husiku zvichiridza ngoma pasina kutaura navo.
“Ndatambura pamusha apa zvekuti ndakatotiza musha wangu kunogara musango nekuda kwenyoka iyi. Inondinanzva ukuwo chipoko chemukadzi chichindirova.
“Chipoko chinoti ndini ndakauraisa mukadzi uyu tichibva kudoro apo akatsikwa nemotokari. Ari kunditi apedza kuuraya hama dzangu kuMozambique achiti anozoda kupedzisira neni.
“Kwotiwo vakadzi nevarume vanouya ndirere vachiridza ngoma, pamwe pacho vosiya vanondirova zvakare,” vanodaro Sekuru Fombe.
Vanoenderera mberi: “Chokwadi chaicho ini ndakaromba. Ndakanotora mushonga wekuti ndihwinhe njuga newekuti ndidiwe nemurungu uyo wapanduka kuita nyoka yava kundinetsa iyi.”
Sekuru ava vanoti havana kumbobvira vakaita mwana zvisinei kuti vanoti vakagara nemadzimai anodarika makumi maviri vachiita zvemapoto navo. Vanotiwo vaiva mushandi wemubindu nemumba papurazi apa pamwe chete nekumba kwemurungu wavo kuAvondale, muHarare.
“Kun’anga ndakapihwa kashinda kaiva kakasungirirwa chimuti kakasungwa mapfundo. Kakazotanga kureba nekufamba kwenguva kusvikira kazosanduka kuita nyoka.
“Chokwadi njuga ndaihwinha zvakanyanya, mari yacho ndichidya neshamwarikadzi dzangu kusanganisa Marita uyo akazofa achitsikwa nemota takadhakwa.”
Sekuru Fombe vanoti vafamba nekuda kwedambudziko iri kuti rigadziriswe vachiti vakamboenda kune mamwe maporofita vakapisa mushonga uyu, asi hazvina zvazvakabatsira sezvo nyoka iyi iri kuramba ichivananzva.
N’anga yakavapa mushonga uyu vanoti haichada kuvaona ichiti ngavazvionere.
“Dai vanhu vandibatsirawo nyoka iyi yandionesa nhamo. Inondiyamwa kunyange nekusikarudzi yangu zvekuti ndinoguma ndaakutadza kuita weti zvakanaka. Icho chipoko chaMarita uyo aibva kuMasvingo chinondirovawo nekundibata chibharo chichiti hachidi kuripwa asi kuti chinoda kuuraya vanhu vose vehukama hwangu kusanganisa neni,” vanodaro
Sekuru Fombe vanoti nyoka inovananzva iyi yakamedza huku dzavo dzose dzaisvika 30 nemazai akawandisa zuva rimwe chete.
“Mumba mangu mune mazikonzo akakura sekatsi anoseka nekuchema achimhanyisana zvinoitawo kuti nditizemo. Nekuda kwenyaya idzi ndinotiza musha ndichienda kudzimba dzevamwe kana musango. Asi ikoko zvava kunditevera.”

Vanoti dambudziko rekurwiswa nechipoko nekunanzvwa nenyoka nekuona mamwe masaramusi vasvika makore anodarika mashanu vainaro.

“Izvozvi murungu wandaishandira hapasisina purazi rakatorwa nehurumende tikasiiwa pano, mushonga wenjuga panguva iyo murungu aivapo waishanda sezvo ndaipihwa makii epurazi rose mamanager aripo vachianyimwa, murungu aindida kudarika vamwe vanhu vose, asinhasi zvandipandukira handina mwana wekuti andionewo kana dzimwe hama ndatambura ini,” vanodaro sekuru Fombe.
VaWonder Sigareta (33) vepapurazi apa vanova muvakidzani, vanotsinhira dambudziko rasekuru ava.
“Sekuru ava vaona nhamo nekunanzvwa nenyoka yavanoona voga vachiti yakapanduka kubva pamushonga wavakatora vachiti vahwinhe njuga iyo yaakuvanazva, vanovingwawo nechipoko chemudzimai wavaigara naye  akatsikwa nemota mugore ra1995 vachibva kubhawa vakadhakwa, mushonga wenjuga uyu vanoti vakautora mugore ra1997,” vanodaro VaSigareta.
Zvinonzi sekuru Fombe vakabhadhara $6-00 kun”anga iyi kuti vapihwe mushonga wakazopanduka uyu, izvozvi vaakutiza mumba vachirara panze nemuminda yechibage,” vanodaro VaSigareta. Sekuru ava vanonzi vane shamwarikadzi yavo yavakapedzisira kugara nayo yava nemakore mana yatiza nekuda kwematambudziko aya yakangosiya mbatya dzayo.
“Mukadzi uyu anonzi akatiza avakuda kuuraiwa nenyoka iyi uyewo airohwa nechipoko chemudzimai  wekutsikwa nemota,” vanodaro VaSigareta. Mai Betty Sigareta (59) vanova sabhuku papurazi iri vari  muvakidzani, vakatsinhira matambudziko asekuru ava.
“Ichokwadi sekuru ava havarare vanotiza mumba nekunazvwa nenyoka nekurohwa nechipoko chemumwe aiva shamwarikadzi yavo akafa achitsikwa nemota vachibva kudoro, imwe nguva tinonzwa vachichema tomhanya isu hapana chatinoona, pane nyoka yavakambouraya vakaibaya nepfumo vakasiya zvakadaro kusvika mangwana acho, nyoka iyi yakafuma isipo pfumo rakabairira pasi roga, vaiva garden boy pavakatora mushonga uyu vaidiwa nemurungu zvakanyanya kudarika vamwe vose njuga chaiyo vaihwinha zvekuvharira komboni yose neLydiate yose,” vanodaro Mai Sigareta.
Zvakadai, sekuru Fombe vanoti vanoona churu mumba mavo usiku chichibvira moto kana kwaedza vanochishaya. Kune vanoda kubatsira sekuru ava vanokwanisa kuvabata panumber dzinoti 0776 429 052 kana 0771 688 311. Zvakadai, mbuya maMoyo Letwin Manguwo (28) vekuChitungwiza vanoti sekuru ava vanofanirwa kunodzosera mushonga uyu kun”anga yakavapa kana kuti vobatsirwa nevanhu vanogona.

Share This:

Sponsored Links