‘Kasikai kuenda kunovhenekwa’

22 Jul, 2021 - 15:07 0 Views
‘Kasikai kuenda  kunovhenekwa’ Bishop Nyaruvenda

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

DR TINASHE Gede avo vanoshanda kuchikamu chekurapa varwere vane Covid-19 pachipatara cheSt Annes Hospital, muHarare, vanoti kune vanhu vane chitsama vari kurasikirwa neupenyu, zvikuru avo vasina kubaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere ichi.

“Kubva mangwanani kusvika kwadoka, tiri kurasikirwa nevanhu zvekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka. Vazhinji vari kurwara zvekuti kupora kwavo kunoti netsei. Zvakakosha kuti tinge tichidzivirira nekuti huwandu hunodarika 2 000 hwevanhu vatsva vari kubatwa nechirwere ichi zuva nezuva munyika hwakawanda.

“Kana munhu uchinge wanzwa kurwara ndapota enda unovhenekwa urapwe nenguva uchengetedze upenyu. Vanhu ngavambomira kushandisa mishonga kana makwenzi asina kuvhenekwa asi kuti vaende kumachiremba vorapwa nemazvo.

“Kuungana hakukodzeri zvekare nokuti kunoita kuti vanhu vakawanda vabatwe nechirwere ichi mukati menguva diki kana pakati pavo paine mumwe chete kana vaviri vanacho,” vanodaro.

Zvisinei nekurudziro iri kuitwa neHurumende yekuti veruzhinji vatevedzere matanho ose akatarwa ekurwisa kupararira kweCovid-19, kune vamwe vasina hanya nekutevedzera mitemo iyi izvo zviri kukonzera kupararira kwedenda iri.

Semuenzaniso, kune vamwe vemachechi vachiri kuungana zvisinei nekuti izvi hazvisi kutenderwa pari zvino.

Mutungamiriri weSangano Dzvene ReVapositori, Bishop Nyaruvenda, vanoyambira vamwe vavo kuti vatevedzere matanho akatarwa neHurumende ekurwisa Covid-19.

“Chirwere cheCovid-19 chiri nyore kutapurirana uye chiri kuuraya pasina rusarura, saka zvakakosha kuti munhu wose azvichengetedze.

“Kune vemachechi vakawanda avo vasiri kutevedza mirawu iyi nokudaro vari kuisa upenyu hweruzhinji parumananzombe. Tinokurudzirawo kuti kana vanhu vachinge vasiri kunzwa zvakanaka vakurumidze kuenda kunoona machiremba kuti vabatsirwe nekukasika pane kuramba tichivimba neminamato nepanenge pachida machiremba uye kuchengetedza hutsanana,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa muHarare, Inspector Tendai Mwanza, vanoti mutemo unorambidza nyaya dzekuungana.

“Tinokurudzira veruzhinji kuti kana vachinge vaona vanhu vachiri kuita katsika kekuungana vazivise mapurisa, hazvinei nekuti vanhu ivavo vanenge vari kunamata nekuti zvakatorambidzwa pamutemo kunze kweparufu apo panotarisirwa vanhu 30 kana vashoma,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey